Accessibility links

Breaking News

VaMade: Dyarai Mbeu Dzinokurumidza Kuibva


VaJoseph Made
Gurukota rinoona nezvekurima, VaJoseph Made, vanoti varimi vari kuda kudyarurura vanofanirwa kuti varime mbeu dzinokurumidza kuibva sezvo mwaka wekurima wafamba.

Mashoko aya anotevera kunaya zvakanaka kwemvura munzvimbo dzakawanda kunyange hazvo kuMatabeleland North sekunana Hwange kwaita mvura yakati wandisei.

VaMade vanoti vari kutarisira kuti zvinhu gore rino zvinofamba zvakanaka kunyange paine zvimwe zvimhingamupinyi zvakatarisana nevarimi .

Asi mutungamiri weCommercial Farmers Union, VaCharles Taffs, vanoti kushaya zvekurimisa uye kurima ndima diki kuchapa kuti nyika itarisanezve nenzara.

Sangano reWorld Food Program rinoti pari zvino vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana maviri vakatarisana nenzara.

VaMade vanotiwo nyaya yezvirango zvakatemerwa nyika neAmerica neEuropean Union yapawo kuti varimi vatadze kutenga zvikwanisiro zvekurimisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG