Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Soro Ronzwa Nyaya yaVaTsvangirai


Dare repamusoro soro riri kutarisirwa musi wa22 Ndira kunzwa nyaya yakakwidzwa nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, yekuti vanoda kuti zvakashandiswa musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru zvivhurwe nesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

VaTsvangirai, avo vaiva mutungamiri wehurumende muhurumende yemushandira pamwe, vakapikisa kusarudzwa kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe kudare, vachiti sarudzo dzakabiridzirwa.

Mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vakapa mutongo wekuti chikumbiro chaVaTsvangirai chaisakwanisika kuti chitambirwe nedare sezvo chaizoreva kuti ZEC ivhure mabhokisi esarudzo anosvika zviuru zvipfumbamwe.

Kunyange hazvo VaMugabe vachiti vakakunda zvine mutsindo, VaTsvangirai vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Rimwe remagweta aVaTsvangirai, VaAlec Muchadehama, vanoti zvakakosha kuti vanhu vaziye zviri mumabhokisi esarudzo.

Gweta raVaMugabe, VaTerrence Hussein, vanoti havaone dare richitambira chikumbiro chaVaTsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG