WASHINGTON —
Vamwe vakuru vemabhizimisi muSouth Africa vari muZimbabwe umo vari kuita misangano yakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika.
Asi Zimbabwe iri kutatarika kuwana vekunze vanouya munyika kuzouchika mari kubva zvaitwa sarudzo dziri kuramba kutambirwa nevanopikisa.
Sangano reUnited Nations Conference on Trade rinoti Zimbabwe gore rapera yakawana mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu asi nyika dzakaita sezambia neMozambique dzakawana mari iri pakati pebhiriyoni nemabhiriyoni maviri emadhora.
Vamwe vakuru muhurumende vanoti muhurumende hamuna mufaro nenyaya yekushaya vekunze vanouya kuzotanga mabhizimisi.
Zanu-PF yainge yavimbisa musarudzo kuti ichavamba mabasa anosvika mamiriyoni maviri. Asi vanhu vakawanda vanonzi vatotanga nzendo dzekuenda kuBostwana, South Africa nedzimwe nyika.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti hurumende itsva haisi kuzoita zano ndega, izvo zviri kupa kuti iite misangano nevamwe.
Sachigaro weZimbabwe Investment Authority, VaNigel Chanakira, vanoti vari mushishi kuita misangano yekuyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi munyika.