Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanoti VaMugabe naVaTsvangirai Voita Zano Ndega paNyaya yeSarudzo


Nhumwa dzemutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma vanova mutongi gava weSADC pagakava reZimbabwe, dzaita musangano nebato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube zvichitevera chichemo chebato iri chekuti mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe nemutungamiriri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vari kutyora chibvurmirano cheGlobal Political Agreement pamwe nekusatevedza zvisungo zveSADC

VaNcube vakaudza vatori venhau mushure memusangano nechikwata ichi kuti VaMugabe naVaTsvangirai vave kutonyora gwaro reGPA patsva uye havasi kutevera zvakanyorwa mugwaro iri.

Vati kunyange hazvo musangano weSADC wakaitwa kuMaputo wakati SADC inocherechedza ivo semutungamiriri webato reMDC uye kubuda nechisungo chekuti mapato eMDC-T neZanu-PF ashande navo pakutevedza GPA pamwe nekuronga gwaro rehurongwa hwesarudzo, VaMugabe naVaTsvangirai vave kushanda vega pakuita izvi uye vari kushanda naVaArthur Mutambara avo vasina wavari kumiririra.

Vati zviri pachena kuti VaMugabe naVaTsvangirai vave kuda kupinda musarudzo voga uye vari kudawo kutosiya SADC munyaya yesarudzo dzemuZimbabwe.

Asi vati vaburitsa zvese zviri kuitwa naVaMugabe naVaTsvangirai pamusangano wavaita nechikwata chaVaZuma. VaNcube vati neChitatu chaiye vainge vakokwa kumusangano wevatungamiriri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa pamwe nemakurukota maviri kubva kumahofisi aVaTsvangirai asi vakadzingwa sembwa naVaMugabe pamusangano uyu.

Vati pakapera musangano uyu ndipo pakazotaura vatsvangirai nevatori venhau vachiti vainge vadoma VaPatrick Chinamasa naVaEric Matinenga kuti varonge gwaro richashandiswa nevatungamiriri ava kuronga zuva resarudzo.

Vati zviri pachena kuti vamugabe naVaTsvangirai vave kuvasiya panyaya dzekuronga sarudzo uye vati zvinoreva kuti zvinhu zvese zvinoda kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa zvakaita sekuvandudza mashandiro evatori venhau nevechiuto zvave kuzoitwa navachinamasa nvamatinenga. Vati vanoda kuti SADC ipindire nechimbimbi uye vati SADC haifaniri kutambira zvinobuda musarudzo dzirikurongwa neZanu-PF ne MDC-T pasina kutevederwa GPA.

Vati zvichitevera musangano weChitatu, chikwata chaVaZuma chichanyora gwaro richaenda kuna VaZuma nemukuru weSADC troika VaJakaya Kikwete vekuTanzania uye vati vanovimba kuti SADC ichabvuma chikumbiro chavo chekuti paitwe musangano wechimbichi wekugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



VaNcube vati nyonga nyonga iri kuitika ndiyo inodiwa neZanu-PF uye paramende inogona kuvhara pasati pasandurwa mitemo yesarudzo nezvimwe zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dzakachena. Vatiwo zvichitevera kudyidzana kwavepo pakati peMDC-T neZanu-PF hapachina mukana wekuti vabatane neMDC-T.

VaNcube vatiwo Zimbabwe inofanira kukanganwa nyaya yerubatsiro rwemari kubva kuUnited Nations vachiti kuti UN ibatsire inoda mukana wekutaura nawese wainoda kwete zvekurongerwa vekuona sezviri kudiwa nevamwe vari muhurumende yemubatanidzwa.

United Nations yange yaronga chikwata chekuuya kuZimbabwe kuzoongorora kuti nyika inokodzera here kupihwa rubatsiro rwemari mushure mekunge hurumende yakumbira mari yekuitisa sarudzo.

Chikwata cheUN chakarambidzwa kuuya naVaChinamasa svondo rapfuura uye neChipiri VaChinamasa vakati Zimbabwe haichada rubatsiro kubva kuUN .

Asi neChipiri VaTsvangirai vakazivisa kuti kunyange hazvo nyika iri kuedza kuunganidza mari yesarudzo ichiri kuda rubatsiro rweunited nations. Zimbabwe inoda mamiriyoni zana nemakumi matatu nemaviri emadhora kuti ikwanise kuita sarudzo gore rino risati rapera.
XS
SM
MD
LG