Accessibility links

Breaking News

VaUhuru Kenyatta Votora Mhiko yeKutungamira Kenya


Uhuru Kenyatta
Uhuru Kenyatta
Mutungamiri wenyika yeKenya mutsva, VaUhuru Kenyatta neChipiri vakatoreswa mhiko yekutungamira nyika iyi.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kusaganisa VaYoweri Museveni vekuugandanaVaGoodluck Jonathan vekuNigeria, kuona VaKenyatta vachitora mhiko yekuva mutungamiri wenyika yeKenya muNairobi.

VaMugabe vakasimuka munyika neMuvhuro vachiperekedzwa nemudzimai wavo amai Grace Mugabe.

VaKenyatta mwana wemutungamiri wenyika yeKenya wekutanga VaJomo Kenyatta.

Kunyangwe vakakunda musarudzo VaKenyatta vari kumiswa pamberi pedare reInternational Criminal Court vachipomerwa mhosva yekuva nechekuita nemhirizhonga yakaitika muna2008 mushure mesarudzo dzine mutauro dzakaitika munyika iyi dzakazopa kuti pagume paita hurumende yemubatanidzwa.

Vanhu vanodarika chiuru vakafa mukurwisana kwakaitika sarudzo dzapera. Vamwe vakuru muZanu-PF vanoti VaMugabe vari kuda kuedza kuumba hukama naVaKenyatta.

Asi VaBriggs Bomba, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vanotungamira sangano reTrust Africa vanoti rwendo rwaVaMugabe kungoteya nzou neriva nekuti havaone veKenya vachidyidzana navo.
XS
SM
MD
LG