Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokumbira South Africa Mari yeSarudzo


Gurukota rezvemari, uye vari munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanoti vaudza nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzange dziri munyika kuti Zimbabwe iri kuda rubatsiro rwemari yekuti iite sarudzo nereferendamu gore rinouya.

Mubhajeti yegore rinouya, VaBiti vakati vaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu emadhora yesarudzo nereferendamu. As mari iyi inonzi ishoma zvikuru pane mari iri kudiwa.

VaBiti vati vakumbira nhumwa dzaVaZuma idzo dzisiri kufara negadziriro yesarudzo kuti vanoda mari yekuita sarudzo kubva kuSouth Africa nedzimwe nyika sezvo Zimbabwe iri kutadza kuwana mari idzi.

Asi mumusangano miviri yavaita nemutungamiri wehurumende, nemamwe mapazi ehurumende, boka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rati riri kuda mari inosvika mazana maviri nemakumi maviri emamiriyoni emadhora yekuita sarudzo nereferendamu.

ZEC inonzi yatiwo haichina nguva yekuti ichenese gwaro revavhoti nekuti inoda gore nemwedzi mitanhatu kuita izvi.

Paongoro yakaitwa nesangano reZimbabwe Elections Support Network, ZESN, zvakabuda pachena kuti vanhu vakafa vanosvika zvikamu makumi maviri nevanomwe kubva muzana vachiri mugwaro revavhoti.

Sachigaro weZESN, VaPeter Zwana, vanoti Zimbabwe inofanira kutsvaga mari yekuita sarudzo.

Vanoona nezvemabasa musangano reElections Resource Centre, VaJack Zaba, vanoti ZEC inofanirwa kugadzirisa gwaro revavhoti.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG