Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vopika kuti Vachaenderera Mberi neKuramwa Mabasa Panovhurwa Zvikoro


Doctor Takavafira Zhou
Doctor Takavafira Zhou

Sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti hurongwa hwekuratidzira nekuramwa mabasa kwevadzidzisi huri kuenderera mberi neChipiri panovhurwa zvikoro, sezvavakazivisa, kunze kwekunge hurumende yauya nezvibvumirano zvinotambirika pamusoro pezvinyunyuto zvevarairidzi.

Zvinyunyuto izvi zvinonzi zvinosanganisira kuda kuti vawedzerwe mari, kubvumidzwa kuti vaende pazororo, kubviswa kwezvematongerwo enyika muzvikoro, uye kudzorerwa kwemari dzinopiwa varairidzi kana vachiita mamwe mabasa ari pamusoro pekudzidzisa kwavanoita.

Hurumende yakatozivisa kuti ichatora matanho ekudzinga mabasa vose varairidzi vachapinda mukuramwa mabasa kuri kukurudzirwa uku.

Asi mutungamiriri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vanoti havabvumi kuvhundutsirwa nekutyisidzirwa sezvo bumbiro remitemo richivabvumidza kuita izvi.

Hurumende yakazivisa kuti ichaita musangano neMuvhuro nevamiriri vesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, wekuzeya nezvezvichemo zvevashandi vehurumende.

Asi mamwe masangano evarairidzi, anosanganisira PTUZ neZIMTA, anoti akabuda muApex Council akaumba sangano reFederation Of Zimbabwe Educators’ Unions (FOZEU), kuitira kuti vazvimirire mukurwira zvichemo zvavo sevarairidzi.

Doctor Zhou vanotiwo nguva yareba vadzidzisi vachitambura uye vachiedza kusvitsa zvichemo zvavo kuhurumende asi pasina chinobuda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG