Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotyora Chibvumirano Chekuwedzera Vashandi Vayo Mari


Ministers Joseph Made (L) and Patrick Chinamasa (R)
Ministers Joseph Made (L) and Patrick Chinamasa (R)
Hurumemende inoti pari zvino haina mari yekuwedzera vashandi vayo mari sekutenderana kwavainge vamboita mwedzi wapera.

Mari iyi vaifanira kuipihwa mwedzi uno ichisanganisawo mwedzi waNdira.

Mumusangano wavakaita neChipiri nevamiriri vemasangano evashandi vehurumende, gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vanonzi vakateterera vashandi kuti vasaratidzire vachimbovapawo hurumende nguva yekutsvaga mari. Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa kuti tinzwe divi ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zviri kuitwa zvinoratidza kuti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

Pasi pechirongwa chegwara rehupfumi che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation kana kuti ZIMASSET, hurumende inoda mari inosvika mabhiriyoni makumi maviri nemanomwe yekumutsiridza hupfumi. Asi kwekuwana mari iyi hakuna sezvo vakawanda vari kuti Zimbabwe haisi kudzora zviokwereti zvayakakwereta.

Munyori mukuru wesangano revarairidzi reProgressive Teachers union of Zimbabwe kana kuti PTUZ VaRaymond Majongwe vanoti vesangano revasori vatotanga kuvatyisidzira pachityirwa kuti vanogona kuratidzira.
XS
SM
MD
LG