Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yosimbirira Nyaya yeKuti Makambani ePlatinum Asatengesa Chicherwa Ichi Asina kuChikwenenzvera.


FILE - Miners gather near the Anglo American Platinum's Thembelani mine near the mining town of Rustenburg, northwest of Johannesburg Sept. 30, 2013.
FILE - Miners gather near the Anglo American Platinum's Thembelani mine near the mining town of Rustenburg, northwest of Johannesburg Sept. 30, 2013.
Musi weChishanu range riri zuva rekupedzisira remakambani ose anoita zvekuchera platinum kuti ange achipa hurumende hurongwa hwavo hwekuti vachagadzira sei fekitari inokwenenzvera chicherwa ichi kana kuti refinery sezvo Zimbabwe iri kuti pakupera kwegore inenge isisabvumidze kutengeswa kweplatinum isina kukwenenzverwa.

Parizvino Zimbabwe iri kutumira platinum kuSouth Africa kuti rikwenenzverwe risati ratengeswa kunyika dzakabudirira. Nyanzvi munyaya dzekuchera zviwanikwa dzaudza Studio 7 kuti zvinonetsa kuvaka fekitari iyi sezvo zvichida mari inosvika mabhiriyoni maviri uye munyika hamunawo mvura nemagetsi zvinodiwa kuti fekitari iyi ifambe zvakanaka.

Makambani ari kunzi auye nehurongwa hwawo anosanganisa Anglo American neImpala. Hurumende inoti inoda kukwenenzvera platinum kuti iwane mari yakawanda pakuitengesa.

Gurukota rezvemigodhi VaWalter Chidhakwa nemutevedzeri wavo VaFred Moyo vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi iri kubatwa nemunyori mukuru mubazi ravo VaGodfrey Gudyanga. Asi hatina kukwanisa kuvabata.

Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Dr Godfrey Kanyenze vanoti zano rehurumende rakanaka haro asi kuda kuri zadzikisa mutoro nekuti zvinoda mari yakawanda.
XS
SM
MD
LG