Accessibility links

Breaking News

Mabhiriyoni Makumi Maviri eMadhora Odiwa Mukuvandudza Hupfumi?


Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi inoti Zimbabwe inoda mari inodarika mabhiriyoni makumi maviri emadhora kuitira kuti imutsiridze hupfumi hwayo uho huri kuramba huchienda kumawere.

Vaimbova mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vari kukurudzira vakuru vemaindasitiri munyika kuti vaite mushandirapamwe nehurumende kuitira kuti vaunganidze mari inosvika mabhiriyoni makumi maviri yavati iri kudiwa mukumutsiridza hupfumi hwenyika.

Mashoko aya anoteverawo mamwe mashoko akataurwa kubepanhau reHerald nemutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCharles Msipa, ekuti maindasitiri anoda mabhiriyoni masere kuitira kuti atange kushanda zvakanaka.

Asi VaZembe vanoti mari inodiwa inodarika iri kutaurwa neConfederation of Zimbabwe Industries.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi zvichiratidzwawo nekuti Zimbabwe iri kuramba ichitenga zvinhu zvakawanda kunze kwenyika pane zvairi kutengesa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, vanoti makambani akawanda ari kuramba achivharwa.

VaZembe vanoti zviri kuitika mumaindasitiri ndizvo zviri kupa kuti vati mari inodiwa kumutsiridza makambani emunyika yakawandisa zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG