Accessibility links

Breaking News

Kuvandudzwa kweMutemo weSarudzo Konetsa ZESN


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Hurumende yave kuita chipatapata kugadzirisa mutemo wesarudzo kuitira kuti uenderane nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Bhiri rekuita izvi riri kutarisirwa kuturwa panovhurwa paramende musi wa 21 Ndira.

Chimbichimbi iyi yaunzwa nenyaya yekuti gore rapera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakashandisa masimba avo kana kuti Presidential Decree mukuvandudza mutemo kuitira kuti sarudzo dziitwe zvechimbichimbi.

VaMugabe vakati havaikwanisa kuenda kuparamende kuti iite izvi nekuti painge pasisina nguva nekuti dare repamusoro soro rainge rati sarudzo dziitwe nechimbi chimbi.

Asi bato reMDC-T rakati aya ndomaitiro aVaMugabe ekuita zano ndega.

Pasi pemitemo yenyika, mitemo inenge yadzikwa naVaMugabe vachishandisa masimba avo iyi inoshanda kwemwedzi mitanhatu chete zvopa kuti hurumende iyedze kugadzirisa mutemo kuburikidza neparamende.

Gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vakatogadzira bhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo. Asi hatina kukwanisa kubata VaMnangagwa kuti tinzwe kuti zvii zviri kuitika.

Asi sangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti harisi kufara zvachose nenyaya yekudzorwa kwekuvhota kwevanhu vachishandisa posvo, postal voting.

ZESN inoti kudzorera postal voting kuchaunza mutauro. Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti hurumende ikaita zano ndega sarudzo dzose dzichaita mutauro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG