Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Imwe yeNyika Dzine Hurombo Hwakanyanya muAfrica?


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Zimbabwe iri pakati penyika dzemuAfrica dzine hurombo hwakanyanyisa uye izvi zvichatowedzera kana nyika ikasimbirira nechirongwachayo chekuendesa hupfumi kuvatema.

Izvi zvaburitswa mugwaro resangano reNew World Wealth, iro rakaita ongororo panyika dzemu Africa.

New World Wealth ine muzinda kuBritain neSouth Africa uye inoongororawo mamiriro ehupfumi munyika dzemu Asia neMiddle East.

South Africa inonzi ndiyo nyika yemuAfrica ine vanhu vane mari iri nani kana kuti income per capita. Ongororo iyi inotiwo Angola ndiyo nyika iri kubudirira zvakanyanya.

Pachitariswa hupfumi, South Africa inonzi ine mari inosvika zviuru gumi nerimwe zvemadhora pamunhu, uku Zimbabwe iine madhora mazana mashanu emadhora pamunhu.

Asi Zimbabwe iri nani zvishoma pane Tanzania, Mozambique, Uganda neEthiopia. New World Wealth inoti Namibia neBotswana inyika dziri kuita zviri nani.

Sangano iri rinotiwo muna 2000 Zimbabwe yainge iri pakati penyika dzemuAfrica dzakabudirira zvikuru. Ongororo itsva iyi iri kutarisa makore anobva muna 2000 kusvika 2012.

Gurukota rinoona nezvekuendesa kwehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, varamba mashoko aya vachiti chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema, chiri kusimudzira hupenyu hwevanhu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru weEconometer Global Capital, VaChris Mugaga, vanoti zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi nenyayawo yezvimwwe zvirongwa zvehurumende yeZanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG