Accessibility links

Breaking News

VaNhema: Hapana Mari yeKupa Vatema Vanoda Kutora Mabhizimisi eVekunze


Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, vanoti vatema vemuZimbabwe vanenge vachida kutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana mumakambani madiki, vanofanirwa kuzvitsvagira vega mari yekuita izvi nekuti hurumende haina mari yekuvabatsira nayo.

Mashoko aVa Nhema anotevera chipatapata chinonzi change chave kuitwa nedzimwe nhengo dzeZanu-PF nevatsigiri vebato iri vachinogugudza mumakambani madiki vachiti vanoda kutora zvimwe zvikamu zvemakambani aya.

VaNhema vanoti kutanga neChitatu zvizvarwa zvekunyika dzakaita seNigeria, China nedzimwe zviri mumabhizimisi madiki, zvinofanirwa kuenda kubazi ravo zvichijekesa kuti zvichaendesa sei zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema vemuZimbabwe pasi pemutemo wekuendesa hupfumi kuvatema wakadzikwa muna 2007.

Bazi rezveNational Indigenization and Economic Empowerment Board rinotiwo makambani anodarika mazana masere evekunze ava akatouya kuzotora zvitambi kana kuti compliance certificate.

Mabhizimisi ari kunzi atorwe zvikamu zvakawanda anosanganisira ezvitoro, ekugera, kuruka mosoro, kurima, mota dzekuhaya, kugaya hupfu nezvimwe.

VaNhema vanoti kubva ikozvino hapachina munhu wekunze achapihwa rezinesi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG