Accessibility links

Breaking News

Makambani Ovhara neKushaya Mari


Chinamasa Budget
Chinamasa Budget
Makambani akawanda ari kuenda kunonyoresa nematare kuitira kuti avharwe zviri pamutemo.

Nyazvi munyaya dzehupfumi dzinoti izvi zviri kukonzerwa nekuoma kuri kuita zvinhu munyaya dzehupfumi. Kuvhara kuri kuita makambani aya kunoreva kuti vanhu vakawanda vacharasikirwa nemabasa.

Magwaro ari kubva kumatare kana kuti kuhofisi yaMaster of the High Court anoratidza kuti makambani akawanda munyika ari kutatarika uye akawanda ari kuenda kuhofisi iyi mwedzi nemwedzi achinokumbira kuvhara zviri pamutemo.

Magwaro ekuhofisi iyi anoratidza kuti makambani akaita se Zimbao Mining Ventures Infinity Asset Management, Rusape Service Station, Central African Shipping Agencies, nekambani yemachira yeSaybrook, akatovharwa.

Mamwe ari pasi pedare kana kuti judicial management anosanganisira Mars, KM Financial, Model Knitwear nemamwe.

Nyanzvi munyaya dzemakambani anenge atarisana nematambudziko, uye vachishanda nekambani yeDeloitte & Touche, VaTapiwa Chizana, vanoti hurumende inofanira kutsvaga mari yekubatsira makambani munyika ari kutatarika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG