Accessibility links

Breaking News

Vana Muzvinabhizinesi Voenda kuEurope Kunokwezva Vangadyare Mari Dzavo muZimbabwe


EU
EU
Nyanzvi munyaya dzezvemabhizinesi pamwe nenyaya dzehupfumi pfumbamwe dziri kuenda kunyika dzemu European Union kunokwezva makambani nevanhu veko kuitira kuti vauye kuzodyara mari dzavo muZimbabwe.

Sangano re Confederation of Zimbabwe Industries, CZI, rinoti chikwata ichi chiri kusimuka musi wa 26 Ndira.

Masangano emabhizimisi akaita se CZI neEmployers Confederation of Zimbabwe ari kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika sezvo makambani akawanda ari kuvhara uye mamwe ari kusashanda zvakakwana nepamusana pekushaya mari, magetsi, mvura nezvimwe zvikwanisiro.

Kunyange hazvo nyika dzakaita seChina nedzemu EU dziri kuunza mabhiriyoni akawanda munyika dzakapoteredza Zimbabwe, nyika iri kubatwa seine rushambwa, sezvo pasina vari kuuya kuzotanga mabhizinesi munyika.

Vemabhizimisi ava vanonzi vachayedzawo kutaura nyaya dzezvirango izvo zvakatemerwa vakuru muZanu-PF nemamwe makambani avo nenyaya yavanopomerwa yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi Zanu-PF inoti zvirango izvi vakazvitemerwa nekuti vakatorera varungu minda yavo.

Mumiriri weEU muZimbabwe, VaAldo Dell’ Ariccia, vatenda kuti vakaitawo hurukuro nevatungamiri vemabhizimisi ava uye vanoti vachaenda kuBrussels, Bonn, London, Madrid nemamwe maguta.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachitungamira kambani ye Econometer Global capital, VaChris Mugaga, vanoti Zimbabwe ndiyo yakazvisikira moto muziso nekudzika mitemo isingafambirane nevemabhizimisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG