WASHINGTON —
Vaimbova gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, vanoti kusagadzikana kwakaita zvinhu munyika kuri kuratidza pachena kuti Zanu-PF iyo vanoti yakabirira sarudzo yave kukundikana kutonga izvo zviri kupa kuti hupfumi hwenyika husamire zvakanaka.
VaBiti, avo vanova munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vataura mashoko aya muHarare neChipiri pamuzinda webato ravo weHarvest House.
VaBiti vanoti mwedzi mishoma yapfuura yaona vemabhizimisi akawanda vachishaya chivimbo nehurumende iri kutonga yeZanu-PF vakawanda vachivhara makambani avo.
VaBiti vanotiwo kushaikwa kwemari mumabhanga mucherechedzo wekuti nyika haina zvairi kutengesa kunze kwenyika uye vakati vanhu vakaita segurukota rezvemigwagwa, VaObert Mpofu, avo vanova mumwe wevaridzi vebhanga reAllied Bank, havana mari yekuuchika mumabhanga avainawo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMpofu panyaya iyi.
VaBiti vashorawo hurumende vachiti iri kudya ichipfachura asi muhomwe mayo musina kana kobiri zvaro. Vashorawo hurumende nekutadza kupa vashandi vayo mari dzebhonasi paine nguva.
Bato eZanu-PF rinoti hupfumi huchagadzirika nechirongwa charo cheZIMASSET.
Vachitaura kuChinhoyi kumusangano wepagore webato ravo mukupera kwesvondo, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati chirongwa ichi ndicho chichanyukura Zimbabwe mumadhaka mairi panyaya yezvehupfumi.
Asi VaBiti vaudza vatori venhau kuti chirongwa ichi hachishande.
Panyaya yebhajeti richaturwa neChina, VaBiti vanoti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, havana chavangaite sezvo pasina mari. Vanotiwo kuti zvigadzirike panotoda sarudzo dzakachena.
Zvichakadaro, mukuru wesangano reCoalition for Market & Liberal Solutions, iro rinowongorora nezvehupfumi hwenyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti zvizhinji zvinoda kugadziriswa nehurumende kuitira kuti mabhanga kunyanya evanhu vatema asarambe achisangana nedambudziko rekushaikwa kwemari pazorori rekusimusi.
VaNgwenya vanoti dzimwe nyika nemamwe makambani aimbodyidzana nenyika achichengetesa mari dzavo pamusika wemari havachaita izvi sezvo vasiri kugutsikana nemamiriro ehupfumi hwenyika.
VaNgwenya vanoti veruzhinji vari kushungurudzwa nekushaikwa kwemari dzavo dzavanenge vaisa mumabhanga sezvo mabhanga aya ari kushaya vanokweretesa mari nepamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika.
Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reEconometer Global Capital, VaChris Mugaga, vanoti nyaya yekuramba mitengo yezvinhu muzvitoro yoramba ichidzika nekushaya vanotenga chiratidzo chekuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.