Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotengesa Zvinhu Zvakawanda kuAmerica Kudarika Zvairi Kutenga kuNyika Iyi


Police officers on bicycles patrol Rue des Rosiers in the heart of the Paris Jewish quarter, Jan. 12, 2015.
Police officers on bicycles patrol Rue des Rosiers in the heart of the Paris Jewish quarter, Jan. 12, 2015.
Bazi reAmerica rinoona nezvekutengeserana reUS Department of Commerce rinoti Zimbabwe mumwedzi mipfumbamwe yekutanga kwegore rino yakwanisa kutengesa zvinhu zvakawanda kuAmerica kudarika zvairi kutenga kuAmerica.

Pamwedzi iyi, Zimbabwe yatengesera America zvinhu zvinosvika mamiriyoni makumu mana nemaviri emadhora, iyo America ichitengawo zvinhu zvemari inosvika mamiririyoni gumi nematatu emadhora.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti izvi zvinoreva kuti munyaya dzekutengeserana Zimbabwe iri kuwedzera zvakanyanya zvinhu zvairi kutengesa kuAmerica sezvo gore rapera Zimbabwe yakatotenga zvakawanda kubva kuAmerica kudarika zvayakatengesa nemari inosvika miriyoni imwe chete.

Zimbabwe yakatengesera America zvinhu zvemamiriyoni makumi mashanu nematatu emadhora, America ichitengesera Zimbabwe zvinhu zvemamiriyoni makumi mashanu nemanomwe emadhora.

Hofisi yemuAmerica inoona nezvekutengeserana yeOffice of the United States Trade Representative inoti muna 2012 Zimbabwe yaive pachidanho chezana nemakumi matanhatu nesere panyika dzinotengeserana neAmerica zvakanyanya.

Zviri kutengeswa neZimbabwe zviri kuwedzera kunyange hazvo paine zvirango zvakatemerwa neAmerica vamwe vakuru muhurumende pamwe nemamwe makambani anodyidzana neZanu PF.

Muna 2001 America yakadzika mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act, kana kuti ZIDERA, ichipomera Zimbabwe mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Mutemo uyu unonzi nehurumende uri kukanganisa zvikuru kudyidzana munyaya dzehupfumi kunyange hazvo America pasi pehutungamiri hwaVaBarack Obama yave kumborerutsa zvinhu.

Zimbabwe iri kutengesa zvinhu zvakaita sezviwanikwa zvinosanganisira nickel, zvekurima kusanganisira zvekurungisa miriwo, coffee masamba, fodya pamwe nematehwe.

KuAmerica Zimbabwe iri kutenga zvinhu zvakaita semichina, mishonga yemuzvipatara, motokari, midziyo yekushandisa muzvipatara uye michina yemagetsi.

Tichitarisa kutengeserana pasi rose, bazi rinoona nezvekutengeserana muZimbabwe, reZIMSTAT rinoti mumwedzi misere yekutanga yegore rino zvinhu hazvina hazvo kumira zvakanaka sezvo pachienzaniswa zviri kutengeswa nezvinotengwa neZimbabwe, nyika yatenga zvakawandisa nemari inosvika mabhiriyoni matatu emadhora.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vezvekutengeserana muAmerica.

Asi mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCharles Msipa, vanoti zvinofadza kuti Zimbabwe iri kuita zviri nani munyaya dzekutengeserana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG