Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Iri Kumbozeya Kuti Yodyidzana Here neZimbabwe


Mumiriri weEuropean Union muZimbabwe, VaAldo Dell Arricia, vanoti nyika dzemusangano ravo dzichiri kuzeya hukama hwadzo neZimbabwe mushure memusangano wakaitwa neChina nevamiriri venyika dzekumawirira nemakurukota matatu ehurumende achitungamirwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Vamwe vaive mumusangano uyu igurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi.

Vatatu ava vaitaura nevamiriri ava nezvegwaro rakaparurwa nehurumende rehupfumi rinonzi Zimbabwe Agenda for Socio-Economic Transformation uye kuvakurudzira kuti nyika dzavo dzitange kudyidzana neZimbabwe.

EU yakatemera vakuru veZanu-PF zvirango muna 2002 nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachigara vachiti hapana kudzokera kumashure panyaya yekutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana mumakambani evekunze, VaChinamasa vakati hurumende yakagadzirira kutaurirana nevanenge vachida kutanga makambani kuitira kuti vadzikise zvikamu zvinotorwa nehurumende izvi mune mamwe mabandiko ehupfumi.

VaDell Arricia vatenda kuti VaChinamasa vakatiwo havasi kuzongotora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kumakambani ose serwiyo rwaVaMugabe nevamwe vakuru mubato ravo.

Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, vanoti vatotanga kuita misangano nevemakambani ekunze ari munyika kuti vaone kuti voita sei kuti vashande pamwe.

Makambani akawanda muZimbabwe ari kuramba achivhara zvopa kuti hurumende iite chipatapata chekuyedza kukwezva vekunze vanozotanga makambani munyika.

Makambani ari kushanda acho anonzi ari kutatarika nekushaya magetsi, mvura nemari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe iite hurukuro nevekunze.
XS
SM
MD
LG