Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeHarvard University Inoti Zimbabwe Inokwanisa Kubudirira Zvakanyanya muNyaya dzeHupfumi


Imwe ongororo yakaitwa neHarvard University inoratidza kuti Zimbabwe mumakore manomwe anotevera, inogona kunge iri pakati penyika dzinogona kubudiririra zvakanyanya munyaya dzezvehupfumi pasi rose.

Zimbabwe inonzi inokwanisa kunge iri pachidanho chechitanhatu ichitevera nyika dzakaita seChina, India, Thailand, Belarus neMoldova panozosvika gore ra2020. Gwaro iri rinonzi “The Atlas of economic complexity-mapping paths to prosperity.”

Ongororo iyi inotarisa kunyanya zvinhu kusanganisira zviwanikwa zvinenge zviine nyika zvairi kutengesa uye zvainogona kutengesa.

Ogororo iyi inotiwo munyika dzakawanda mazuva ano mave neruzivo rwakadzama munyaya dzehupfumi nekudaro zvinobatsira munyaya dzebudiriro.

Panyika dzemuAfrica, Zimbabwe iri kutungamira ichiteverwa neTunisia, South Africa, Egypt, Namibia, Kenya, Senegal neMauritious. Ongororo iyi iri yakaitwa munyika zana nemakumi maviri nemasere.

Vakatungamira ongororo iyi mukuru weHarvard Center for International Development muzvinafundo Ricardo Hausmann.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu muzimbabwe hazvina kumira zvakanaka nekuda kwemimwe mitemo inodzikwa nehurumende iyo iri kupa kuti makambani atatarike.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vanoti Zimbabwe inokwanisa kubudirira munyaya dzehupfumi ndokunge hurumende yashanda nevanhu vose munyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG