Accessibility links

Breaking News

VaMukupe Vanoti Nyika Inofanirwa Kuve neMari Yayo Kuti Ipinde muCommon Monetary Area


Mari yekuSouth Africa yeRand
Mari yekuSouth Africa yeRand

Hurumende inoti nyika inofanirwa kutanga yaita mari yayo isati yapinda mumubatanidzwa wemari dzekuchamhembe kweAfrica we Common Monetary Area, uyo unoshandisa mari yekuSouth Africa yeRand pasi pe common monetary union.

Izvi zvaziviswa nemutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerence Mukupe, avo varamba mashoko ari kubuda ekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga vakaenda kunosangana nehutungamiri hweSouth Africa nemusi weSvondo.

Mashoko anga achibuda ndeekuti vatungamiri venyika ava vaida kuti vaone kuti Zimbabwe ingabvumidzwe here neSouth Africa kushandisa zviri pamutemo mari yenyika iyi yeRand, iyo iri kushandiswawo munyika pakati pedzimwe mari dzekunze kwenyika.

VaMukupe vanoti kunyange hazvo hurongwa hwekubatana nedzimwe nyika mumubatanidzwa wecommon monetary union hwakanaka, pane basa rakawanda rinofanira kutanga ragadziriswa neZimbabwe, rinosanganisira kuumba hupfumi hwenyika, uye kudzosa mari yemunyika, isati yapinda mumubatanidzwa uyu.

Pari zvino mubatanidzwa weCommon Monetary Area une nyika dzinoti South Africa, Namibia, Lesotho, neSwaziland, kunyange hazvo dzimwe nyika dziri kushandisawo Rand idzi dziine mari dzadzowo.

Hurukuro naVaTerence Mukupe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG