Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoti Inomira neGwaro reMazita eVanhu Vari Kubira Nyika Mari Vachiburitsa Kunze


Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya
Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika Doctor John Mangudya vanoti vanomira negwaro ravakaburitsa revanhu vavanoti vari kubira nyika mari vachiiyendesa kunze kwenyika zvisiri pamutemo. Arthur Chigoriwa anotipa nyaya inotevera.

Gwaro rakaburitswa iri riri kushorwa nevakawanda vanoti vaitarisira kuona mazita evakuru-vakuru vezvematongerwo enyika sezvo vakawanda vavo vachinzi vanoendesa mari yehuwori kunze kwenyika.

Asi VaMangudya vanoti vanomira negwaro ravo sezvo zviri kuita makabhani aya nevanhu ava zviri kuita kuti vanhu vashaye mari munyika.

Panyaya yekuti pane vanhu vari kufungidzirwa nevakawanda kuti vari
kuita zvehuwori vachiburitsa mari, VaMangudya vanoti kana pane anoziva vanhu vacho ngaamhan'are.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaJasper Kawondera, vanoti gwaro rakaburitswa harina mazita evanhu vanofungidzirwa nevakawanda kuti vane mari dzakawandisa kunze kwenyika.

VaKawondera vanoti zviri pachena kuti vanhu vakatiza munyika
vakaendesa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo iyo yavave kushandisa
pari zvino.

Vanoti kune mazita ari pamiromo pevakawanda asiri mugwaro reRBZ iri, zvikuru vakuru-vakuru muhurumende, nemamwe mapoka ezvemabhizimusi, nematongerwo enyika.

Mumwe mushandi weimwe kambani anoda kuzivikanwa nezita rekuti
Tambudzai anoti mazita akaburitswa mashoma sezvo kambani yavo iyo
inotengesa nzvimbo dzekuvaka dzimba kuvagari vari kunze kwenyika, asi
vachibhadharira mari yekutenga kuBritain.

Mamwe makambani nevanhu vakaburitswa mazita avo vanoti zvakabuda mugwaro reRBZ manyepo sezvo vakapedzerana nebhanga guru renyika iri kare. Kunyange vakuru vemakambani varamba kudomwa nemazita vanoti vakapedzerana nebhangi guru renyika.

Mumwe mushandi wekambani yeUnilever asina kuda kudomwa nezita anoti zita rekambani yake rakadomwa nekuda kwekusagona basa kwebhangi guru
renyika sezvo vakabhadhara mari yakabuda kare kare.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanhu vakaburitswa mugwaro iri vashoma zvichienzaniswa nemari yakambotaurwa iyo inosvika kumabhiriyoni ane chitsama.

VaChitambara vanoti hurumende ichine mukana wekuzvichenesa kana ikaita
komishoni inoongorora kuburitswa kwemari munyika nemunhu wese.

Kuburitsa mari zvisiri pamutemo kana kuwana mari kunze kwenyika munhu
asingataure kuhurumende mari yaanenge awana kuti abhadhare mutero
imhosva.

Vamwe vanoona nezvehupfumi vanoti mitemo yakafanana nekurambidza
vemabhizinisi kudzosera mari yavanenge vashanda kumusha kwavo zvimwe
zvezvinhu zvinodzinga vemabhizinisi vekunze. Mamwe magweta anotiwo zvinonetsa kusunga vakaburitsa mari ava sezvo mutemo wacho usina kujeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG