Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti 2020 Achangooma sa2019 Kana Kudarika Mune zveUpfumi


Hurumende yakaisawo mari itsva muna 2019.
Hurumende yakaisawo mari itsva muna 2019.

Pasi rose riri kuonekana negore ra2019, asi vakawanda muZimbabwe vanoti iri igore ravasingadi kuyeuchidzwa nezvaro zvakare nekuti rakave gore rakavaigira matambudziko, zvikuru mune zveupfumi.

Chikuru chinorangarirwa nevakawanda kutanga kwakaita gore ra2019.

Mwedzi waNdira wakatanga nekushaikwa kwemafuta edzimotokari, izvo zvakazoita kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivise nyika nezvekukwidzwa kwemutengo wemafuta aya nezvikamu zana nemakumi mashanu kubva muzana (150%).

Izvi hazvina kutambirika muvana veZimbabwe, avo vakapinda mumigwagwa vachiratidzira nekunyunyuta nekukwira kwemafuta uku. Mauto akapindawo mumigwagwa achiparadza kuratidzira uku, izvo zvakasiya vanhu gumi nevaviri vafa.

Hurumende, kuburikidza negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, yakaparurawo zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekuedza kuvandudza upfumi, kana kuti ma austerity measure, izvo zvinonzi nevamwe zvakatoomesa hupenyu hwevanhu zvakanyanya.

Mumwe wevanhu ava mukuru we labour and Economic Development Research Institute, Doctor Godfrey Kanyenze.

Izvi zvinotsinhirwawo namuzvinabhizimusi uye vari munyori anoona nezvedzidzo mudunhu reZone 3 mubato reZanu PF, VaGilbert Muponda, avo vanoti 2019 rakave gore rakanga rakaoma kuburikidza nekushaikwa kwemafuta, kunetsa kuwanikwa kwemari, uye kusanaya kwemvura zvakanaka.

Muna Kukadzi hurumende yakadzika mutemo unosiyanisa huremu hwedhora remunyika nerekuAmerica, mari dzaimbenge dzichinzi dzine huremu hwakaenzana.

Muna Chikumi hurumende yakazodzika mutemo unorambidza kushandiswa kwemari yekunze munyika, izvo zvinonzi naDoctor Kanyenze zvakasiya vashandi vari parumananzombe sezvo mihoro yavo yaimbenge iri mumadhora ekuAmerica yakanga yave kuwanikwa iri muma bond note uye isina kuvandudzwa kuti ifambirane nehuremu hwedhora rekuAmerica.

Hurumende yakaparurawo mari itsva yemunyika, iyo yave kushanda pamwe chete nema bond note agara achishanda munyika. Asi danho iri rinonzi harina zvarakabatsira, sezvo dambudziko remari rakaramba riri munyika.

Mukati megore rose zvinhu zvinosanganisira magetsi nemvura zvakatowedzera kushaikwa, izvo zvakakonzerawo kuvharwa kwemamwe makambani mashoma akanga asara achiri kushanda.

VaMuponda vanoti kuti matambudziko ose aya asaramba achitevera nyika muna 2020, panofanirwa kusungwa dzisimbe nehurumende kuitira kuvandudza zvinhu zvakati wandeyi zviri kubata hupenyu hwevanhu zuva nezuva.

Chimwe chezvavanoti chinofanirwa kugadziriswa naMuzvinafundo Ncube pane nagavhuna veReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya kuisa mari yemapepa ine huwandu huri pamusoro, yakaita semadhora makumi maviri kana kudarika, kuitira kuti vashandi vakwanise kuwana mihoro yavo yose pamaATM.

VaMuponda vanotiwo hurumende inofanirwa kutarisisa nyaya yekubatsira nemari kwairi kuita kambani yemabhazi yeZUPCO, sezvo pasina chiri kubuda kubva mairi.

Panyaya yekusanyaya kwemvura VaMuponda vanoti nyika ine nzizi dzakawanda chose nekudaro hurumende inofanirwa kushandisa mvura iyi kuita madiridziro, kwete kungomirira mvura yemudenga.

Doctor Mangudya vanobvumawo kuti zvinhu zvakanga zvakaoma muna 2019, asi vanoti chikuru chinofanirwa kuitwa muna 2020 kuti nyika itange kugadzira zvinhu zvinoita kuti iwane mari yekunze.

Asi Doctor Kanyenze vanoti havaoni paine chinoshanduka muna 2020 sezvo chikwata chiri kutungamira nyika pari zvino chiri icho chinenge chakangobata matomu.

Kusvika hurumende yakwanisa kuisa matanho anoita kuti vana veZimbabwe pamwe nevekunze kwenyika vave nechivimbo munyaya dzeupfumi, vakawanda vanoti hapana chembwa muna 2020 nekuti tenzi vacharamba vachingorarira mutakura.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG