Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votaura Pamusoro peChikwata cheZimbabwe Netball


The Zimbabwe Gems at World Cup
The Zimbabwe Gems at World Cup

Chikwata chenyika chemutambo weNetball chemaGems chakadzoka kumusha chichibva kumakwikwi e 2019 Vitality World Cup chiine zvidzidzo zvakawanda kuhurumende pamwe nekuvateveri vemitambo munyika.

Chikwata ichi chakasvika muHarare neChitatu manheru chakamirirwa nechaunga chinotyisa icho chaive chauya kuzopemberera mashiripiti achakaita kuLiverpool, England, uko kwaive kwaungana zvikwata gumi nezvitanhatu zvinorura mumutambo wenetball pasi rese.

MaGems, ayo aive kumakwikwi aya kekutanga, akasvika munharaunda yechipiri ye World Cup uyezve nekupedza ari pachinhanho chechisere mumakwikwi aya izvo zvaive zvisingafungirwe nevakawanda kwete muZimbabwe chete, asi pasi rese.

Izvi zvakauya mushure mekunge MeGems, ayo aive asina kuita gadziriro yakasimba, mushure mekutora nguva yakawanda ari muZimbabwe apo zvimwe zvikwata zvaienda kumakundano aya zvaitamba nevekune dzimwe nyika zvichizvisimbisa.

Izvi zvakakonzerwa nekushaikwa kwemari sezvo hurumende nemakambani akazvimirira asina kucheuka kuchichemo chechikwata ichi paine nguva.

Chakanyanyoshamisa ndechekuti hurumende yakatora nguva iyi kuumba komiti yekutsvagira mari chikwata chenhabvu chemaWarriors, icho chaienda kumakundano e 2019 Africa Cup of Nations kuEgypt, uko chakanonyadzisa.

Zvakaitwa nemaGems , panguva iyo maWarriors akanonyadzisa, chidzidzo kuhurumende kuti inofanira kubata zvikwata zvese zvenyika zvakafanana kunyange chiri chevanhukadzi kana vanhurume.

Muongorori wezvemitambo, VaFarai Kambamura, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuyananisa zvikwata zvenyika kunyanya pakugovanisa mari yemakundano.

Murongi wemitambo yetsiva, VaStalin Mau Mau, vari kushushikana zvekare nemamiriro akaita mitambo munyaya dzeruyamuro rwemari vachiti mitambo yese inofanira kubatwa zvakaenzana.

Gurukota rezvemitambo, Muzvare Kirsty Coventry, vakavimbisa kuti vachagara pasi nevezvemitambo kuti vaone kuti zviri kuvanetsa zvinogadziriswa sei.

Pamusoro pezvo, vaongorori vezvemitambo vanoti hurumende inofanira kusandura maitiro ayo, yotanga kupawo ruyamuro kuzvikwata zvese zvenyika zvinenge zvabudirira kuenda kumakundano akaita seWorld Cup, World Championship, Olympic Games, nemimwe mitambo yakakosha pasi rose.

Kunze kwemaWarriors ayo akabudirira kuenda kuma 2004, 2006, 2017 na

2019 Africa Cup of Nations, asi pasina chaibuda, hurumende haina nhoroondo yakasimba yekubatsira mitambo nemari.

Mutambi wetsiva, Charles Manyuchi, akapedzisira ave kunorwira mitambo yake yese kuZambia nemhaka yekushaya rutsigiro kubva kuhurumende nekumakambani emuno.

Chimwe chakabuda pachena murwendo rwemaGems ndechekuti zvikwata zvevanhukadzi zviri kuenderera mberi nekusimudzira mureza weZimbabwe panguva iyo zvimwe zvikwata zviri kutatarika zvinotyisa.

Pamusoro pezvakaitwa kuLiverpool, chikwata chenhabvu chevanhukadzi, chemaMighty Warriors, chakabudirira kuenda kumaOlympic Games muna 2012, izvo zvatadza kuitwa nezvikwata zvakawanda kwete muZimbabwe nemuAfrica chete, asi pasi rese.

Izvi zvakauya mushure mekunge mutuhwini Kirsty Coventry atora menduru nomwe kumakwikwi e 2004 ne 2008 Olympic Games achitevera chikwata chemutambo wehockey chemaGolden Girls icho chakatora menduru yegoridhe kuma Olympic Games a 1980 kuMoscow uko Zimbabwe yaikwikwidza kekutanga nedzimwe nyika.

Muteveri wemutambo, VaLawrence Hwekwete, vanoti zviri kuitwa nezvikwata zvevanhukadzi izvi, zvinofanira kuyemurwa.

VaKambamura vanoti zvikwata zvevanhukadzi zvinofanira kupihwa ruremekedzo rwunokodzera kwete zviri kuitwa ikozvino.

Vasikana vemaGems vasimudzira mutambo wenetball zvakasimba muZimbabwe sezvo kwese kwese ikozvino nyaya iri kungotaurwa nezvayo mumitambo ndeye zvavakaita zvichifananidzwa nezvimwe zvikwata zvenyika.

Mutambi wevolleyball, VaGodrey Jejeje, vanoti kunyange hazvo netball yanga ichitambwa muzvikoro, yaive isina mbiri yayave nayo iko zvino.

Mutsigiri wemaGems, VaTatenda Feremango, vanotiwo vechidiki vakawanda vave kufarira mutambo uyu vachiwedzera ivo kuti vakawanda vavo vave kuzoda kuita meGames emakore anotevera.

MaGems akarova Sri Lanka neNorthern Ireland ndokukwanisa kupinda munharaunda yechipiri mumakwikwi aya.

Kunyanga hazvo vakazorohwa neNew Zealand, Malawi, Jamaica ne Uganda, Zimbabwe yakadambura Barbados ndokupedza iri pachinhanho chechisere mumakwikwi ezvikwata gumi nezvitanhatu aya.

VaMuseti vanoti vatambi ava vanofanira kutendwa zvine mutsindo nezvavakaitira nyika.

Asi kaputeni wechikwata ichi, Perpertual Siachitema, anoti nzira yavo haisati yasvika kumagumo achiti iye vave kutarisira World Cup ya 2023 iyo ichaitirwa kuCape Town, South Africa.

Vasikana vakawanda vari muchikwata ichi vari pasi pemakore makumi maviri nemashanu zvekuti kuenda kuWorld Cup inotevera zvinokwanisa kuitika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG