Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHurema Vodzidziswa Mabasa eMaoko


Vechidiki vanorarama nehurema hwepfungwa vanoti vari kubatsirikana zvikuru nehunyanzvi hwekuita mabasa emaoko hwavari kuwana kubva kuchikoro che Tinokwira Special School chiri muMabvuku muguta reHarare.

Va Marshall Masimbe mumwe weavo vakadzidziswa kuveza matombo pachikoro ichi. VaMasimbe, avo vane makore makumi maviri nemapfumbamwe, vanoti vave kukwanisa kuzviritira zvichibva muzvivezwa zvavo.

VaMasimbe vanoti vanogara nababa naamai vavo muMabvuku makare.
Chikoro cheTinokwira, icho chiri pasi pe Zimcare Trust, chine vana makumi mana nevashanu vanorarama nehurema hwemupfungwa. Vakomana makumi matatu nemumwe, vasikana vari igumi nevana. Vana ava vanodzidziswa kuveza matombo, kuruka zvuma zvemucheno, zvirukwa zvekutsikira pamikova nezvimwewo zvekushambidza dzimba zvakasiyana siyana.

Mumwe anorarama nehurema hwepfungwa akawana hunyanzvi hwemaoko pa chikoro ichi, ndiMuzvari Tendai Muringapi, avo vane makore gumi nemapfumbamwe ekuberekwa. Muzvare Muringapi vanokwanisa kuveza matombo, kugadzira zvuma zvemucheno nezvirukwa zvekutsikira pamikova. Vanoti semwanasikana, hunyanzvi hwavakawana huri kuvabatsira kuti vazviriritire sezvo vachiri kuenderera mberi vachiwana rumwe ruzivo pachikoro apa.

Mumwe murairidzi wepaTinokwirira, VaRobert Bhonjesi, vanoti vana vechidiki vanokwanisa kubatsirikana nezvidzidzo zvinotwa pachikoro chavo.
VaBhonjesi vanotizve chinonyanyovanetsa kuwana vanhu vakazvipira kupota vachitora zvinogadzirwa pachikoro apa zvichinotengeswa kunzvimbo dzakasiyana siyana.
VaBhonjesi vanokurudzira vemunharaunda vane vana vanorarama nehurema hwepfungwa kuti vauye navo kuchikoro kuti vaone kuti zvavangadzidziswe ndezvipi.

Nnyanzvi pamabasa emaoko vachishandira vari pa Harare Polytechnic, Va Tendayi Maradze Shonhiwa, vanoti zvidzidzo zvemaoko zvakakosha kune vana vanorarama nehurema hwepfungwa.

VaShonhiwa vanoti hurumende nevemakambani akazvimiririra vanofanira kupa rutsigiro rwezvekushandisa muzvidzidzo zvemaoko kuitira kuti vana vakawanda vanorarama nehurema hwepfungwa, vafarire kuita zvidzidzo izvi.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG