Makambani akawanda emuAmerica ari kutora dambudziko rechirwere che COVID-19 (Coronavirus) sechinhu chakakosha zvikuru zvaita kuti vashandi vakawanda vashandire kudzimba dzavo, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mamwewo makambani ane mabasa asingakwanisi kushandirwa kudzimba kusanganisirawo vezvitoro zvinobika zvekudya, anonzi ave kutombomisa vamwe vashandi mabasa sezvo vasingakwanise kuenda kumahofisi.
Matunhu akawanda emuno muAmerica ave kurambidza kuungana kwevanhu munzvimbo dzinosanganisira dzekudyira pamwe nekunoonekwa mabhaisikopo, izvo zvave kuita kuti vashandi vakawanda vari mumapoka emabasa aya vambomiswa mabasa kusvika zvinhu zvanaka.
Hurumende yeAmerica yakazivisawo kuti ine hurongwa hwekuisa parutivi mari inosvika trillion yemadhora, iyo inonzi ichazoshandiswa mukumutsiridza hupfumi hwenyika kuburikidza nekubatsira makambani pamwe nevanhu vachakanganiswa nechirwere ichi.
Vanhu vanodarika zviuru zvitanhatu vabatwa nechirwere ichi muAmerica uye vamwe vanodarika zana vafa.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reMaryland muno muAmerica, Muzvare Shingie Mangwiro, avo vave kushandirawo kumba nekuda kwechirwere ichi, vanoti vanoona sekunge pfungwa yekuti vanhu vambogara kudzimba yakanaka chose sezvo zvichibatsira kuderedza kusangana kwevanhu.
Muzvare Mangwiro, avo vanomboshandira kumba kana paita mamwe matambudziko, vanoti havana dambudziko rezvekushandisa sezvo michina yavo yekumba yagara yakabatanidzwa neyekubasa.
Vanotiwo matanho ari kutorwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamwe nemapazi ehurumende yavo akakodzera zvikuru mukurwisana nedambudziko iri.
Asi Muzvare Mangwiro vari kukurudzirawo vari kumusha kuti vatungamidze utsanana mberi, vachiti kunyange hazvo chirwere ichi chisati chapinda munyika, zvakakosha kuti vanhu vatore matanho ekuchidzivirira.
Facebook Forum