Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yowana $10,5M Kubva kuMangoda Akatengeswa muBelgium


Munyori mubazi rinoona nezvezvicherwa, Muzvinafundo Francis Gudyanga, vanoti Zimbabwe yakatengesa makarati emangoda anopfuura zviuru mazana maviri nemazana manomwe, ikawana mari inosvika mamiriyoni gumi nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Hurumende inowana zvikamu gumi neshanu kubva muzana kubva mukutengeswa kwemangoda aya. Nyanzvi dzehupfumi dzinoti mari iyi ishoma zvikuru kuti ibatsire Zimbabwe yakaparura bhajeti remashandisirwo emari gore rinouya.

Gurukota rezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vanoti vane chivimbo chekuti mari inouya kuhurumende ichati wandei sezvo mangoda ave kutengeswa zviri pachena.

Vanotiwo vanotarisirawo kuti America ichabvisa zvirango zvayakatemera Zimbabwe kuitira kuti itengesewo mangoda ayo munyika iyi nemari iri pamusoro.

Asi America inoti ichabvisa zvirango izvi kana yagutsikana nemaitiro evakuru vakuru mu Zanu PF vakatemerwa zvirango izvi.

Nyanzvi munyaya dzekutengeswa kwemangoda keBelgium dzinoti karati rimwe rinowanzotengeswa nemari iri pakati pemadhora makumi mashanu nezana.

Asi izvi vanoti zvinoenderanawo nekuti rakakwenenzverwawo zvakadii.

VaGudyanga vabuda pachena kuti mangoda akaendeswa nemakambani mashanu emuZimbabwe ange asina kukwenenzverwa zvakanaka uye ainge asina kushongedzwawo zvakanaka kuitira kuti atengeswe nemari yakawanda.

Kubudirira kweZimbabwe kutengesa mangoda kumusika mukuru weAntwerp World Diamond Center kuBelgium, kunotevera kubviswa kwakaitwa zvirango zvainge zvakatemerwa Zimbabwe Mining Development Corporation ne European Union zvakabviswa muna Gunyana.

Makambani akatengesa mangoda aya anoti Marange Resources, Diamond Mining Company, Anjin Investment, Ji’nan neKusena Diamonds.

Mukuru weKimberley Process Certification Scheme Local Point, VaShamiso Mtisi, vanoti Zimbabwe inofanira kukwenenzvera mangoda ayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG