Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotariswa Kutanga Kutengesa Mangoda kuBelgium


Mumasvondo mashoma anotevera Zimbabwe iri kutarisirwa kutanga kutengesa mangoda kumusika mukuru wepasi rose, weAntwerp World Diamond Council, kana kuti AMDC kuBelgium.

Musika weAWDC unoti Zimbabwe iri kutarisirwa kutengesa mangoda anosvika makaratsi zviuru mazana mashanu.

Asi sachigaro weZimbabwe Mining Development Council, Amai Florence Gowora, vanoti Zimbabwe ichiri mubishi kuunganidza huwandu hwemangoga ainawo ekuzoendesa kumusika.

Asi vanoti kuti tinzwe zvizhinji tibate munyori mubazi rezviwanikwa, Muzvinafundo Francis Gudyanga, avo vange vasingadaire nhare mbozha yavo.

Kutengeswa kwemangoda kuBelgium kunotevera kubviswa kwakaitwa zvirango zvainge zvakatemerwa kambani yeZMDC neEuropean Union, EU, nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

Zvirango izvi zvakabviswa musi wa 24 Gunyana 2013.

VaGudyanga ndivo vakatungamira chikwata cheZimbabwe chakaenda kunoita misangano nevanotenga nekutengesa mangoda kuBelgium masvondo mashoma apfuura.

Asi sangano reInternational Monetary Fund nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti Zimbabwe inofanira kudzika mitemo inoona kuti pajekeswa kuti mangoda anotengeswa sei uye kuti mari idzi dziendeswe muhomwe yehurumende.

Masangano akaita seAmnesty International ne Human Rights Watch anotiwo EU inofanira kuona kuti mari idzi hadzishandiswe mukutyora kodzero dzevanhu. nehurumende.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, vanova chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, vanoti Zimbabwe inofanira kuona kuti mangoda atengeswa zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG