Accessibility links

Breaking News
Mutungamiri webato reMDC-T uye vaimbova mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasimuka munyika neChipiri manheru vakananga kuBritain kunotaura paUniversity yeOxford nezvenyaya yebudiriro muAfrica.

Bato reMDC-T rinotiwo kumucheto kwehurukuro yekuOxford iyi, VaTsvangirai vari kutarisirawo kuita misangano nevatsigiri vavo vachitaura nezvesarudzo uye remangwana rebato ravo. Hapana kujeka kuti vachaitawo here hurukuro nevamwe vemuhurumende yeBritain.

Urwu rwendo rwaVaTsvangirai rwekutanga kumawirira kubva zvapera sarudzo dzavanoti dzakabirirwa neZanu-PF.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vachataura nezvekuti mangoda angashandiswe sei mubudiriro yenyika yeZimbabwe.

Nyaya yemangoda iyi iri kukonzera mutauro wakanyanya pakati peZanu-PF nemapato anopikisa nemasangano akazvimirira oga.

Vanopikisa Zanu-PF ava vanoti pane huori hwakanyanya huri kuitwa kwaMarange. Asi Zanu-PF inoti ichi handi chokwadi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG