Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akawanda Akazvitakura Oshanyira Zvipatara Mazuva Ano


Hurumende inoti madzimai anosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana, uye vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi mana nemapfumbamwe, vakakwanisa kuenda kuzvipatara panguva iyo vainge vakazvitakura.

Hurumende inoti madzimai anosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana, uye vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi mana nemapfumbamwe, vakakwanisa kuenda kuzvipatara panguva iyo vainge vakazvitakura.

Hurumende inoti izvi zvinoratidza kubudirira kwechirongwa chekuti madzimai akazvitakura apote achiongororwa muzvipatara.

Izvi zviri mutsvagiridzo yakaburitswa neChipiri nebazi re Zimbabwe National Statistics Agency, kana kuti Zimstat.

Ongororo yeZimstat iyi inoburitsa kubudirira kwehutano hwemadzimai akazvitakura, hutano hwevana, kurongwa kwemhuri pamwe nenyaya dzezvirwere zvakaita seHIV/AIDS ne Malaria.

Zimstat yakaita ongororo iyi ichishanda nemamwe masangano anosanganisira Umited Nations Population Fund, UNFPA.

VaPiason Madhuku Mlambo vanoshanda neUNFPA. VaMhlambo vanoti chakavafadza mutsvagiridzo iyi huwandu kwevanhukadzi vakazvitakura vanoenda kunoongororwa sezvo izvi zvichibatsira kudzikisa huwandu hwevana vanofa.

Asi VaMhlambo vanoti kunyange hazvo vanhukadzi vari kufa kuburikidza nekuzvitakura vadzikira, zvichiri kusuwisa kuti nyika ichiri kurasikirwa nehupenyu hwemadzimai, izvo zvinokwanisa kudzivirirwa.

Mumwe mudzimai akapinda mumusangano wekuparura tsvagiridzo idzi, Amai Choice Damiso, vanoti tsvagiridzo yakabudisa pachena kudzikira kwevari kurwara nechirwere cheHIV/AIDS.

Amai Damiso vanoti Zimbabwe inofanirwa kuramba yakazvipira mukupedza dambudziko iri.

Ongororo iyi inoti vanhu zvikamu gumi nezvina kubva muzana ndivo vane HIV/AIDS. Huwandu uhu hwadzikira kubva pazvikamu gumi nezvisere kubva muzana mugore ra2005-6.

Asiwo Amai Damiso vanoti vanosuwiswa zvikuru neongororo iri kuratidza kuti munyika mune vamwewo vanhu vanofunga kuti pane zvikonzero zvekuti mhirizhonga itambirwe mudzimba nemunharaunda.

Ongororo iyi inoti zvikamu makumi mana kubva muzana zvemadzimai ari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi mana nemapfumbamwe vanobvuma kuti pane zvikonzero zvakanaka zvinorovesa vanhukadzi mudzimba.

Mumwe wevechidiki, Watson Makokoba, uyo anogara muWarren Park, anokurudzira hurumende kuti igadzirise dambudzo rezvipatara kuitira kutimadzimai akazvitakura asafambe mitunhu mikuru.

Tsvagiridzo iyi inotiwo zvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana zvemadzimai akazvitakura anoti dambudziko guru ravakatarisana naro ndere zvipatara zviri kure.

Makokoba anotiwo anofadzwa nezviri muongororo iyi zvekuti vanhurume vazhinji vanozvichengetedza nekuzvidzivirira pabonde kuburikidza nekushandisa makondomu.

Zvimwe zvakabuda mutsvagiridzo iyi inyaya yekuti vana vadiki zvikamu makumi manomwe nezvitanhatu kubva muzana vari kupiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Tsvagiridzo iyi inobudisawo pachena kuti vana vazhinji vari kuwaniswa mukaka wepamazamu, asiwo vana makumi maviri nevanomwe kubva muzana havasi kukura zvakanaka.

Madzimai Akawanda Akazvitakura Oshanyira Zvipatara Mazuva Ano
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG