Accessibility links

Breaking News

VaRuhanya Vanoti Masangano Akazvimirira Asaodzwe Moyo neMapurisa


Sangano ravana chipangamazano rinorwira kuti muZimbabwe muve nehutongi hwejekerere, reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, rinoti masangano ose ari munyika anoshanda akazvimirira haafaniri kuwodzwa moyo nekushungurdzwa kwaari kuitwa nemapurisa.

Sangano iri rinoti masangano aya anofanirwa kubatana oenderera mberi nebasa rekuona kuti munyika mave nehutongi hwejekerere.

Izvi zviri mugwaro raburitswa nesangano iri rakanzi "Deception". Gwaro iri rinoti vemasangano aya vanofanira kuita musangano wechimbichimbi wekuona kuti vangashanda sei panguva ino apo zvinhu zvaoma uye kutsvaga nzira dzekuderedza mukana wekusungwa.

Vachitaura pamusoro pegwaro iri, mukuru weZDI, VaPedzisayi Ruhanya, vati zviri pachena kuti mamwe emasangano aya akapindwa nevasori izvo zvave kukonzera kuti agare achishungurudzwa.

Gwaro iri raburitsawo pachena kuti mamwe masangano aya ave kuitawo basa akapfeka nguwani dzemasangano ezvematongerwo enyika izvo rati izvi hazvina kunaka.

Gwaro iri rinotiwo hapana chinonyanyoshamisa pane zviri kuitika pari zvino richiti muna Mbudzi gore rapera, mapurisa anenyembe dzepamusoro soro, kusanganisira mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vakaita musangano apo akati ainge asiri kufara nemabasa emasangano aya ayo vakati anokanganisa sarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.

VaRuhanya vati Zanu PF yatotanga kushandisa mapurisa munyaya dzezvematongerwo enyika. Vatiwo hurumende yemubatanidzwa inofanira kuona kuti mapurisa haasi kushungurudza vemasangano ezvematongerwo enyika.

Vatiwo vachashandisa gwaro ravo kushambadza kuhurumende dzemuSADC neAfrica yose kuitira kuti mhirizhonga yatanga zvakare muZimbabwe, isaenderere mberi.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, varamba mashoko aVa Ruhanya nesangano ravo vachiti bato ravo handiro rinouudza mapurisa kuti oshanda sei. VaGumbo vati mapurisa anoita basa rawo semaonero awo.

Sachigaro wekomiti yedare reseneti inoona nezvekodzero dzevanhu, VaMishek Marava veMDC-T, vashora kushungurudzwa kwevemasangano akazvimirira vachiti masangano aya ari kuita basa guru munyaya dzakasiyana siyana.

ZDI inoti hurumende dzemuSADC neAfrica dzinofanira kuudza hurumende nemapurisa emuZimbabwe kuti asiyane nemasangano anoshanda akazvimirira pamwe nekuona kuti Zimbabwe yaita sarudzo dzakachena.

Kubvira kupera kwegore rapfuura kusvika pari zvino, vemasangano anoshanda akazvimirira vari kusungwa nekushungurudzwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuita zvesarudzo vasina mvumo.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG