Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCOVID-19 Munyika Hwave Makumi Matatu neVasere


Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCOVID-19 munyika hwasvika pamakumi matatu nevasere, vafa vachiri vana uye vapona vave gumi nevatatu.

Bazi rezvehutano nekuchengetwa kwakanaka kwevana rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamakumi matatu nevasere zvichitevera kuwanikwa kwakaitwa munhu mumwe chete aine chirwere ichi muHarare nemusi weChina.

Bazi iri razivisawo kuti vafa nechirwere ichi vachiri vana munyika yose, uye vapona kubva kuchirwere ichi vari gumi nevatatu.

Izvi zvinobuda panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kuzivisa nezvekuti vari kuwedzera mazuva here kana kubvisa mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown, uyo vakaderedza kuenda pachinhanho chepiri, kana kuti Level 2 masvondo maviri adarika.

Mutemo uyu uri kutarisirwa kupera nemusi weSvondo.

Johns Hopkins University yemuAmerica inoti vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vadarika mamiriyoni mana nemazana mana ezviuru (4.4 million) uye vafa nechirwere ichi vasvika pazviuru mazana matatu nezvitatu nemazana matatu nemakumi masere nevapfumbamwe (303 389).

Gweta uye vari chizvarwa cheZimbabwe chiri ku Britain, Doctor Simba Mavaza, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 nemunhu mumwe chete kunoratidza kuti chirwere ichi hachisati chadzika midzi munyika.

Dctor Mavaza vanoti izvi zvinogona kunge zviri kukonzerwa nenyaya yekuti vanhu vari kutevedzera kurudziro yekuti vazvichengetedze, kana matanho ari kutorwa nehurumende ekuchengetedza kwavo voga vose vanenge vaponda munyika vachibva kunze.

Panyaya yekuti mutungamiri wenyika owedzera here kana kubvisa mazuva ekusafambafamba kwevanhu, Doctor Mavaza vanoti vanofunga kuti VaMnangagwa vachavhura makambani ose uye kubvumidza vanhu kufambafamba sezvo pakatoiswa kare matanho anofanirwa kuteverwa nevemakambani mukuona kuti vashandi vavo vakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG