Accessibility links

Breaking News

Chimoto muHarare Pakati paMeya neMakanzura eGuta


Harare city
Harare city
Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vakadzora pabasa munyori wekanzuru, VaTendai Mahachi, sekurudziro yegurukota rezvematunhu VaIgnatious Chombo.

Asi VaManyenyeni vanoti VaMahachi vachiri kuramba kuvapa magwaro ekuti vakuru vakuru vemukanzuru vari kupihwa mari yemihoro yakadii pamwedzi.

Danho rekudzora VaMahachi pabasa riri kushorwa zvikuru nemamwe makanzura emuHarare ataura neStudio 7 achiti neChitatu vakabuda nechisungo chekuti vambomira kuuya kubasa kusvika nyaya yavo yekuzvidza makanzura yaongororwa.

Makanzura aya anoti ari kukatyamadzwa nedanho raVaManyenyeni.

NeChitatu kanzuru yeHarare yakabuda nechisungo chekuti padaidzwe vana mazvikokota vekunze kuti vazeye nyaya dzemari dziri kutambiriswa vakuru vekanzuru.

Hatina kukwanisa kubata VaChombo kana mutauriri wekanzuru yeHarare, VaLeslie Gwindi.

Asi VaManyenyeni vanoti tsamba yekudzora VaMahachi vakatoinyora kare sekurudziro yaVaChombo. Asi vati pane vekunze vachauya kuzoita ongororo yekuona mafambisirwo emari mukanzuru.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaBlessing Vava, vanoti vari kushamisika nedanho raVaManyenyeni rekudzora VaMahachi pabasa kunyange hazvo kanzuru iri kuti vambomiswa.

Mugari wemuHarare uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTawanda Zhuwarara, vakatokwidza VaChombo kumatare neChitatu vachiti vari kutyora bumbiro remitemo.

VaZhuwarara vanoti VaChombo vari kutyora bumbiro remitemo uye dare repamusoro rinofanira kutsigira meya weHarare padanho rekumisa VaMahachi basa. Vanoti zvinonetsa kuda kuita ongoro mukanzuru kana VaMahachi vari pabasa.

VaZhuwarara vanotiwo VaChombo vari kuyedza kudzivisa kuti VaMahachi vasaongororwe kunyangwe hazvo kanzuru iri kukundikana kuzadzikisa zvido zvevagari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG