Accessibility links

Vanhu Vopesana Zvakasimba paHurongwa Hwekuda Kuvandudza Bumbiro reMitemo

  • Arthur Chigoriwa

Ziyambi Ziyambi

Paita mifungo miviri yakasimba pamusoro pekuda kuvandudza mutemo wekusarudzwa kwemukuru wevatongi kana kuti Chief Justice.

Izvi zvabuda pamusangano waitirwa muChinhoyi.

Vachitaura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemitemo nekuvandudzwa kwayo, vamwe vagari vemuChinhoyi vati havaone paine chakaipa kuti mutungamiri wehurumende vadome Chief Justice wavanoda.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaClemce Zata, vati sezvo mutungamiri achisarudzwa neruzhinji rwevanhu munyika, anofanirwawo kusarudza mukuru wevatongi waanoda.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe mugari wemuChinhoyi, Amai Precious Zizhou, avo vati VaMugabe vanofanirwa kuzvisarudzira mukuru wevatongi wavanoda kuti vagone kushanda zvakanaka.

Asi vamwe vakaita saVaJustine Munyaradzi vati chipatapata chiri kuitwa neparamende chekuda kuvandudza bumbiro remitemo rakabva muvanhu, hazvina maturo.

VaMunyaradza vati hurumende inofanirwa kuvandudza mimwe mitemo inosvika mazana matatu kuti iwirirane nebumbiro remitemo yenyika isati yafunga kushandura zvakabvumiranwa neveruzhinji.

Musangano wanhasi uyo wapindwa nevanhu vanodarika zana nemakumi mashanu, uye wanga uine kushorana nekunyombana kukuru zvichienderana nekuti pfungwa dzinenge dzapihwa dzabvumirana nevanhu vakawanda zvakadii.

Sachigaro wekomiti paramende iyi, VaZiyambi Ziyambi, vabvuma kuti pane mifungo miviri panyaya yekuti mutungamiri wenyika adome Chief Justice here kana kuti kwete pamisangano yose yavakaita.

Misangano iyi yakatanga muHarare svondo rapera, vanhu vachiramba kutambira kuvandudzwa kwebumbiro iri.

Izvi zvakaitikawo kunzvimbo dzakawanda dzakashanyirwa nemakmoti aya uko veruzhinji vakati bumbiro harifanirwe kuvandudza kuitira kuti munhu mumwe chete apihwe masimba akawandisa.

Mu Zanu PF hamunawo kuwirirana panyaya iyi sezvo chikwata chinozviti Generation 40 chiri kutsigira kusarudzwa kwemukuru wevatongi anenge abvunzurudzwa neJudicial Service Commission, iyo inozoendesa mazita matatu kumutungamiri wenyika kuti adome Chief Justice.

Asi chimwe chikwata chinozviti Team Lacoste, icho chinotsigira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chiri kutsigira hurongwa hwekuti VaMugabe vadome vega mukuru wevatongi vematare.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chikwata cheG40 chaiswa panguva yakaoma sezvo zvisingaite kuti chibude pachena chichishoropodza mutemo unopa VaMugabe masimba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG