Accessibility links

Breaking News

Hurumende Ichiri Kuferefeta Vaimbova Nhengo yeCongress muAmerica VaReynolds


VaMalvin Jay Reynolds
Vaimbova nhengo yedare reCongress muAmerica, VaMelvin Jay Reynolds, vanonzi vachiri kuferefetwa nemapurisa nebazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika mushure mekusungwa muHarare neMuvhuro.

Bepanhau reHerald rinoti VaReynolds vakasungwa nemhosva yekuva nemifananidzo inonyadzisa- pornograghy, uye kugarisa munyika zvisiri pamutemo.

Mumwe mukuru mubazi rezvekupinda nekubuda kwezvinhu ati vave pedyo nekupedza kuferefeta nyaya yaVaReynolds.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, varamba kutaura nezvenyaya yekusungwa kwaVaReynolds.

Muzinda weAmerica muZimbabwe watiwo pari zvino hauna chekutaura nenzvenyaya iyi.

Gore rapera VaReynolds namuzvinabhizimisi VaFarai Jere vakati vainge vachizoda kuvaka hotera yeHilton muna Samora Machel Avenue kuEastlea. Hotera iyi inonzi yaifanira kutanga kuvakwa muna Kubvumbi nemari inosvika zana nemakumi mana neshanu emamiriyoni emadhora.

Pakuparurwa kwechirongwa chekuvaka hotera ichi musi wa 5 Gunyana gore rapera, painge paine makurukota ehurumende anoti gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaWebster Shamu, pamwe negurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi.

Hatina kukwanisa kubata VaJere kuti tinzwe kuti hurongwa uhu huri kufamba sei.

VaReynolds, avo vaonzi vange vachigara muhotera umo vange vave nechikwereti chinosvika zviuru makumu maviri nemana zvemadhora, vakamanikidzwa kusiya basa muAmerica mushure mekubatwa nemhosva gumi nembiri dzekubata mwana chibharo, kudzivisa kuferefetwa kwenyaya uye kuva nemifananidzo yevana vadiki vachiita zvepabonde..

Pavakabatwa neMuvhuro VaReynolds vanonzi vakati havaifanirwa kubatwa nenzira iyi sezvo vange vachishanda nehurumende yeZimbabwe kuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo nehurumende yeAmerica kuti zvibviswe.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti VaReynolds semunhu ange akazvimirira pakushanya kuZimbbwe zvinonetsa kuti America ipindindire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG