Accessibility links

Breaking News

Mbatya dzeKunze Dzouraya Maindasitiri eMbatya Munyika


.
.
Hurumende inofanirwa kupindira padambudziko riripo pakati pemakambani anogadzira mbatya munyika neavo vari kutengesa mbatya dzinobva kunze kwenyika nemitengo iri pasi pasi.

Izvi zvabuda neChipiri mudare rekomiti yeparamende inoona nezvemaindasitiri. Irwin Chifera anotipa nyaya inotevera.

Makambani anogadzira machira nembatya anoti kuunzwa kwembatya dziri kubva kunze kwenyika idzo dziri kutengeswa nemitengo iri pasi pasi kwave kukanganisa mabasa awo.

Makambani aya anoti hurumende inofanirwa kupindira panyaya iyi kuitira kuti makambani emunyika asavhara.

Vachitaura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemaindasitiri, sachigaro vesangano rinomirira makambani aya, reZimbabwe Clothing Manufacturers Association, VaJeremey Youmans, vati nyika iri kurasikirwa nemari yakawanda chose sezvo mbatya idzi zhinji dzichipinzwa munyika pasina kubhadharwa mutero nekuda kwehuwori nezvimwe zvikonzero.

Vatiwo Zimbabwe inofanira kunge ichiwana mamiriyoni zana nemakumi maviri emadhora semari yemutero wembatya idzi pagore asi iri kuwana chidimbu chete sezvo mbatya zhinji dzichipinzwa munyika nepamukoto.

VaYoumans vati kusada kubhadhara mitero kwevanhu vanounza mbatya idzi kunoratidza kuti makambani emuno anogona kukwikwidzana neekunze uye izvi zvinokwanisa kuitika kana hurumende ikaona kuti vese vanounza mbatya muno vabhadhara mutero wakawanda.

Vati pari zvino makambani emunyika ari kugadzira zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana zvembatya dzese dzinodiwa munyika. Vati makambani anogona kuwedzera huwandu hwembatya dzaanogadzira kana akawana rutsigiro rwakakwana kubva kuhurumende nemamwe makambani akaita seanotenga mbatya idzi.

VaYoumans vati vanotsigira chirongwa che Buy Zimbabwe icho chinokurudzira makambani emunyika kutenga zvinhu zvinogadzirwa muZimbabwe vachiti izvi zvinosimudzira makambani emunyika.

Vaenderera mberi vachiti hurumende inofanira kutsigirawo makambani anogadzira mbatya nemari kuitira kuti akwanise kutenga michina nezvekushandisa.

VaYoumans vati apo zvinhu zvaive zvakanaka, makambani ari musangano ravo aive nevashandi vanodarika zviuru makumi matatu nezvishanu asi ikozvino pasara vashandi zviuru zvitanhatu nemazana masere sezvo makambani mazhinji akavhara.

Zvichakadai, munyori musangano reZimbabwe Textiles Manufacturers Association, VaRaymond Huni, vaudzawo komiti iyi kuti mbatya dziri kubva kunze dziri kuvavhiringira basa uye vanodawo kuti huruemende idzike mitero yakakura kuitira kuti mbatya dzinounzwa munyika dziite shoma.

Vati makambani mazhinji ari kuvhara uye izvi zvinogona kuramba zvichienderera mberi kana hurumende ikasapindira nechimbi chimbi.

Sachigaro vekomiti iyi, VaRay Kaukonde, vati zvakakosha kuti paramende, hurumende nemakambani vaise musoro pamwe mukugadzirisa matambudziko akatarisana nemaindasitiri munyika.

Zvinhu zvichanaka, makambani anoita zvemachira nembatya aive nevashandi vanodarika zviuru makumi matatu nezvishanu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti ongororo yakaitwa neZimTrade muna 2007, apo zvinhu zvanga zvichakaipa munyaya dzehupfumi munyika, yakaburitsa pachena kuti machira nembatya zvinogadzirwa muZimbabwe zvaitengeswa kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica, munyika dziri musangano re Common Market for East and Southern Africa, European Union ne United States of America.

Asi nekuparara kwaita hupfumi, huori nezvimwe, mamwe makambani akawanda haasitombori kushanda zvachose, uye mamwe akaita seKarina Textiles, David Whitehead, Merlin, Travan neNational Blankets, ari kushanda ari pasi pematare edzimhosva.
XS
SM
MD
LG