Accessibility links

Breaking News

Masangano Okurudzira Vanhu Kunyoresa Kuvhota


MDC-T Masvingo Voter Exercise
MDC-T Masvingo Voter Exercise

Masangano akazvimirira muMasvingo ari kukurudzira vagari vemudhorobha vasina kukwanisa kunyoresa kuvhota gore rapera kuti vatore mukana wechimwe chirongwa chekuwedzera mazuva ekunyoresa chiri kutanga musi we Chishanu svondo rino.

Masangano aya anoti vanhu vazhinji havana kunyoresa kuvhota munguva yakatarwa gore rapfuura zvichitevera kusangana ne zvimhingamupinyi zvakawanda.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muCommunity Tolerence and Reconciliation Develepoment, VaZivanai Muzorodzi, vanokurudzira vechidiki pamwe nevaimbonzi vanhu vekune dzimwe nyika kuti vatore mukana uyu vanyorese.

Masangano aya anoti anoshushikana nehuwandu hwevanhu vashoma mumadhorobha vari kunyoresa kuvhota pachienzaniswa nevanhu vanogara kumaruwa.

Pakupera kwechikamu chechina cheBVR gore rapera, Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakati pavanhu mamiriyoni mana nemazana masere ezviuru, zvikamu makumi masere kubva muzana zvevanhu vakanyoresa kuvhota vanhu vekumaruwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaHardlife Tangai, vakurudzira vagari kuti vashandise mukana uyu wekupedzisira.

"Isu sevamiriri vevagari tinokurudzira vanhu vedu vachimhanyirana vanoregista kuvhota pa mop up yatapuhwa iyi ye ten days, vose vaya vakasarira tinoti chiindai munonyoresa kuvhota, izvi zvakanakira kuti tinozokwanisa kusarudza vanhu vekanzuru makanzera atinoda isu," vadaro VaTangai.

Vanomirira vakarema vanotiwo nhengo dzavo dzakawanda hadzina kukwanisa kunyoresa kuvhota pachirongwa chegore rapera nezvikonzero zvakawanda asi vanokurudzirwa kushandisa mukana wamuka uyu.

Mutungamiriri wesangano re Disability Amlgamated Community Trust, VaHenry Chivhanga, vakurudzaira nhengo dzavo kuti dzisasaririre pachirongwa ichi.

"Isu tiri kukurudzira kuti vanhu vakaremara ngavando regisIta kuvhota, chakanakira kuvhota hechino, vazhinji tiri kutaura kuti toda self representation kana tichiida tinofanira kuregisIta kuvhota tikwanise kusarudzawo vedu, vawane vanovavhotera huye tiri part yenyika vanofanira kupatisipeta muma civic nema political processes enyika, nekudaro tinoti endaI mose munonyoresa kuvhota vaya vakasariria nokudaro toda kukurudzira vaya vanogara navo kuti vatakurei muende navo vandonyoresa kuvhota," vadaro VaChivhanga.

Mukuru weZEC muMasvingo, VaZex Pudurai, vakabudisa mashoko ekuti chirongwa chitsva chekunyoresa mumawadhi emudhorobha chinotanga musi wa 5 Ndira chichipera musi wa15.

Chichanderewo kune mamwe matunhu eMasvingo anoti Gutu, Chiredzi, Bikita, Zaka, Mwenezi neChivi kusvika panopera mwedzi waKukadzi.

Izvi zvichange zvichiitikawo mumamwe matunhu ari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG