Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oshora Kushandiswa kweMauto neMakanzuru


Soldiers are seen on the street in central Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.

Masangano akazvimirira ashora zvikuru zvaanoti kushandiswa kwemauto mumakanzuru pachirongwa chekuchenesa maguta.

Masangano aya anoti izvi zvinofanirwa kumiswa izvozvo.

Kuda kubviswa kwemakombi muguta kwakakonzera mhirizhonga neChina pamwe nerufu. Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vashoropodza hurumende nekushandisa mauto kuti apindire munyaya dzekanzuru.

VaMoyo vati zvakaitika neChina zvinorangarisa veruzhinji chirongwa cheOperation Murambatsvina chakaitwa muna 2005 chikasiya vamwe vanhu vasisina pekugara.

VaMoyo vati maitiro ehurumende aya anoratidza kuti inoda kutanga zvakare chirongwa chakadai izvo vati hazvifanirwi kuregerwa zvichiitwa.

Sachigaro weCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vashorawo gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vakavapomera mhosva yekuda kusvibisa kanzuru yeHarare iyo ine makanzura eMDC akawanda vachiti maitiro eZanu PF kana sarudzo dzosvika.

Vakasanobata chigaro chameya weHarare, Va Enock Mupamawonde, varamba kuti kubviswa kwemakombi mudhorobha kune chekuita nekanzuru vakati izvi zvakaitwa nebazi rinoona nezvekutongwa kwematunhu pasina kanzuru.

Vatiwo makanzura haawirirani nekushungurudzwa kweveruzhinji vari kutsvaka raramo, vakati matambudziko akatarisanwa nawo neguta anogadzirisika chete kana matambudziko ehupfumi munyika agadziriswa.

Kumiswa kwemakombi kuti asapinde muguta kwakazomiswa nehurumende mushure memhirizhonga dzakaitika neChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG