Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vofarira Mihoro Yavo


FILE - Zimbabwe's civil servants carry placards as they march during a protest in the streets of the capital Harare, Feb. 19, 2010.
FILE - Zimbabwe's civil servants carry placards as they march during a protest in the streets of the capital Harare, Feb. 19, 2010.

Vashandi vehurumende vanoti hurumende itsva yaEmmerson VaMnangagwa yakavagonera zvikuru nekuvawanisa mari yemihoro zororo rekisimusi risati rasvika.

Vashandi vehurumende vazhinji vanga vave nemakore vachizowana mari yavo zororo rapfuura izvo vanoti zvaivatadzisa kufadzawo mhuri dzavo.

Mumwe wevashandi vehurumende vataura neStudio7, Amai Fungai Ndoda, vati gore rino vari kutarisira zororo rekisimusi negore idzva zviri nani zvichienzaniswa nemakore apfuura.

Amai Ndoda vanoti mari yavo yakapinda mubhanga musi wa15 Zvita.

"Kunyange hazvo mari yemusvo isiri kuwanikwa, kuwana kwatiri kuita mihoro yedu zororo risati rasvika kwatirerutsira zvikuru sezvo tava kukwanisawo kutenga zvekuti mhuri dzedu dzifare pazororo," vadaro Amai Ndoda.

Izvi zvatsigirwawo naVaRicky Dube avo vatiwo kunyange hazvo vasiri kuwana mari yemusvo mumabhanga, vari kukwanisawo kugadzirira kisimusi sevamwe vashandi. VaDube vati vari kutarisira zororo riri nani pane gore rapera apo vakazowana mari dzemihoro zororo rapfuura.

Amai Nyaradzo Mugwiriri, avo vari kutarisira kutambira neChina, vawedzerawo vakati shuviro yavo ndeyekuti dai hurumende ikaramba ichipa vashandi vayo mari nenguva kuitira kuti vashandewo zvakanaka. Amai Mugwiriri vanoti vanga vatove nemakore anosvikamatatu vachiwana mari yemihoro zororo rekisimusi rapfuura.

Vashandi vehurumende vakatanga kutambira musi wa15 Zvita huye vari kupedzisira kutambira vari kutarisira mihoro yavo musi wa21 Zvita apo pari kutarisirawo vari pamudyandigere kuwanawo mari dzavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG