Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vachaenderera Mberi neKuratidzira neChitatu


Vashandi vehurumende vanoti vaneta nekungovimbiswa kuti mihoro yavo ichatarisiswa, izvo zvasvitsa kuti vade kuratidzira.
Vashandi vehurumende vanoti vaneta nekungovimbiswa kuti mihoro yavo ichatarisiswa, izvo zvasvitsa kuti vade kuratidzira.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti kuratidzira kwakarongwa kuitwa nevashandi vehurumende neChitatu kuri kuenderera mberi zvichitevera kushaya muchero kwemusangano weNational Joint Negotiating Council waitwa neChipiri pakati pehurumende nevamiriri vevashandi.

Mutewedzeri wasachigaro veApex Council, VaThomas Muzondo, vanoti vashandi vasunga kuenderera mberi nedanho ravo sezvo hurumende isina chayanga yakapfumbata kumusangano uyu pane zvichemo zvavo zvose zvavakaipa.

VaMuzondo vanoti chimwe chanyanyotsamwisa vashandi ndechekuti hurumende yazivisa kuti haichakwanisa kuvabhadhara mari dzavo dzekutendwa kana kuti mabhonasi mumwedzi mumwechete waMbudzi nekuti haina mari.

Izvi zvinenge zvave kureva kuti vashandi ava vachawana mabhonasi avo muna Mbudzi naZvita, hurongwa hwavanoti hunoomesera vachatambira mari idzi muna Zvita sezvo vachadziwana dzaderera huremu zvichienzaniswa nevamwe vavo vanenge vapiwa muna Mbudzi.

Hurukuro naVaThomas Muzondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi vanonzi vachaungana pamahofisi ePublic Service Commission mangwanani vachizofora vachinosiya magwaro enyunyuto kumahofisi emakurukota akasiyanasiyana ari paNew Government Complex, apo vatungamiri vemasangano evashandi vachataurawo kwavari.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti sehurumende vachaita kuti hurukuro dzemihoro nevashandi vayo dzirambe dzichienderera mberi, kunyange hazvo hurumende isingagone kupfuura mari dzairi kuvabhadhara pari zvino nekuda kwechirongwa chekuvandudza hupfumi chairi kuita.

Panyaya yekuratidzira, VaMutodi vanoti ikodzero yemushandi wemuZimbabwe yaanopiwa nebumbiro renyika kuti aratidzire, chero asingaite zvemhirizhonga pamwe nekuparadza midziyo.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG