Accessibility links

Breaking News

Vagari Voratidzira Vachiti Vari Kunwa Mvura Yakasviba muHarare


Vagari veguta reHarare vari kunyunyuta zvikuru nemvura yavari kuwana kubva kukanzuru yeHarare iyo yavari kuti yakasviba huye inonhuwa zvikuru.

Kusachena kwemvura uku kwakonzera kuti vagari vekumisha inogara vazhinji yakadai seGlennorah, Highfield neMufakose varatidzire vachiti havakwanisi kutenga mvura yekumwa yakachena.

Mumwe mugari wekuGlen Norah, Amai Rhodha Tongesai, vanga vari pavanhu vanga vachiratidzira vaudza Studio 7 kuti mumusha wavanogara vana vazhinji vari kutambura nemudumbu.

Amai Tongesai vanoti vanotoshamisika kuti kanzuru mubhajeti regore rinouya iri kuda kuwedzera mari dzemitero yemvura ivo vachipa vagari mvura ine tsvina.

Mumwe mugari wekuDzivarasekwa, Amai Alice Kasinamunda, vati mvura iri kubuda ine ruvara rwakangofanana nemaseweji.

Amai Kasinamunda vati zvinovashungurudza sevagari ndezvekuti pamusoro pekusviba, mvura iyi inopedza nguva refu yaenda zvichisiya vagari vasina chekubata

Kuratidzira kwaitwa kuGlennorah kwatungamirwa nesangano rinorwira kodzero yekuwaniswa kwevagari mvura yakachena yeWater Community Alliance.

Vanotungamirira sangano iri, VaHardlife Mudzingwa, vati misha inogara vanhu mizhinji iri kuwana mvura yakasviba.

VaMudzingwa vakurudzira guta reHarare kuti ritarise mamiriro emvura painosvika kuvashandisi kwete kutarisa mamiriro emvura painobva kuMorton Jeffrey kunova kunobva mvura inoshandiswa nevagari.

VaMudzingwa vati sevagari vanokatyamadzwa kuti kunyange guta reHarare rakawaniswa chikwereti chemamiriyoni zana nemakumi mana nemana emadhora kubva kuChina, havasati vaudzwa kuti mari iyi yakashandiswa kuitei.

Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti mvura yeguta yeHarare painobva kuMorton Jeffrey inenge yakachena zvinofambirana nezvinodiwa neWorld Health Organisation asi vakabvumawo kuti nekuda kwetsvina mupombi dzinofambisa mvura, mvura inozogona kusvika kuvagari yakanganisika.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG