Accessibility links

Breaking News

Vari muSouth Africa Votsigira Kuratidzira Kuri Kuitwa muZimbabwe


Zvizvarwa zveZimbabwezviri muSouth Africa zvinoti zviri kufara zvikuru kuti vanhu vemuZimbabwe vabatana kekutanga vachiramba hutongi hwenutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mashoko aya anotevera hurongwa hwevakarwa hondo yerusununguko ekuti vari kukoka munhu wese wemuZimbabwe kuti aende kumusangano wekuratidza kuti VaMugabe havachidiwa nevanhu.

Vagere muSouth Africa vanoti vari kurongawo kuita musangano wekuratidzira kuti vari kufarira zvirongwa nevamwe vavo vari kumusha.

Moreblessing Munjoma weStudio7 anoti hurongwa uhu huri kutarisirwa kuitwa muJohannesburg neMugovera.

VaMugabe vakatorerwa masimba nemauto nemusi weChipiri manheru vachinzi vasiye basa sezvo vakundikana kugadzirisa zviri kunetsa munyika zvakaita sehuori, kushaikwa kwemabasa, uye kudzinga muhurumende nemubato vanhu vakarwa muhondo yerusunguko pasina mhosva yavakara.

Zvinhu zvakanyanya kuipa mushure mekunge VaMugabe vadzinga mumwe wevatedzeri vavo, VaEmmerson Mnangagwa, vachivapomera mhosva yekuda kuvabvutira masimba zvisiri pamutemo pamwe nekusavaremekedza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG