Accessibility links

Breaking News

Vanhu vana vafa nechirwere chekorera muChegutu vamwe gumi nevasere vakarapwa chirwere ichi.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, VaWensilus Nyamayaro, vazivisa nhasi kuti vanhu vana vakafa kubvira musiwa 8 Ndira kusvika 18 Ndira.

VaNyamayaro vatiwo pari zvino vanhu gumi nevasere vakarapwa chirwere chekorera mwedzi uno, vanomwe vavo vari madzimai, gumi nemumwechete vari varume.

Mudzimai ane makore makumi masere, Amai Laita Mungulisia, avo vanopinda chechi yechiMoslem, ndivo vakatanga kufa musiwa 8 Ndira.

Zvinonzi nekuda kwechitendero chavo icho chinosungira kuti munhu anenge afa asvinwe matumbu, varume vatatu vakasvina matumbu Amai Mungulisia, vakazorwarawo nemudumbu vaviri vavo vakafa.

Mumwe murume akazofawo nezuro nechirwere chekorera mushure mukuendeswa kuchipatara chemuChegutu nemusiwe Chitatu svondo rino.

VaNyamayaro vari kukurudzira vemachechi kuti vaungane panenge paine zvimbudzi nemvura yakachena uye kuti vanhu vasabhabhatidzirane mumvura.

VaNyamayaro vati cholera yawanikwa muChegutu haina kubva kuZambia asi ndeye muChegutu uye vanhu vachadzidziswa kuviga munhu anenge afa nekorera.

Hurumende yekuZambia yakazivisa kuti chirwere chekorera chatekeshera munyika iyi uye vanhu chiuru vakarapwa chirwere ichi.

Mugore ra2009 vanhu vanosvika mazana maviri vakarwara nekorera vamwe makumi matatu nevanomwe vakafa muChegutu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG