Accessibility links

Breaking News

Zvimbuzi Zvoitwa Dzimba kuChinhoyi


Mhuri dzinosvika makumi mashanu dziri kushupika nepekugara dzave kugara mudzimba dziri kushandiswa sezvimbudzi.

Mhuri dzinosvika makumi mashanu dziri kushupika nepekugara dzave kugara mudzimba dziri kushandiswa sezvimbudzi.

Vagari vemumusha weShackleton uyo uri makiromita gumi kubva muChinhoyi vanoti dambudziko rekushaya pekugara ndiro rapa kuti vafunge kunogara muzvimbudzi.

Studio 7 payashanyira musha weShackleton yawana dzimwe mhuri dzichigeza zvimbudzi kuti dzizogara asi dzimwe mhuri dzanga dzatoisa midziyo yavo mudzimba dzanga dziri zvimbudzi.

Mumwe mudzimai akatora chimbudzi kuchiita imba, Amai Nomatter Tsomondo, vanoti havana imba dzakakwana dzekugara nevana vavo vatanhatu.

Imwe mhuri yekwaMbirimi yakakurira muShackleton inoti kushaya pekugara pamwe nekuvimbiswa kusingapere nekanzuru yeChinhoyi kuti ichavapa pekugara ndizvo zvaita kuti vafunge kugara muzvimbudzi.

Amai Tsomondo vanoti havana hany'a nekubata zvirwere chero vaine pekugara ivo nemhuri yavo.

Sekuru Asani Saidi avo vanoti vane makore makumi masere nemaviri vanoshora hurumende nekutadza kupa vanhu nzvimbo yepekugara.

Aasi kanzura wenzvimbo yeShackleton, VaInnocent Mangwanya, veZanu Pf vamboedza kuhwanda nemunwe vachiti zvimbudzi zvatorwa nevanhu kuita dzimba zvakapedzeserwa kushandiswa sezvimbudzi makore akawanda apera.

Meya veChinhoyi, VaTest Michaels, vati vachatanga vaona kukura kwedambudziko redzimba vozoona kuti vangaripedze sei. VaMichaels vanoti pari zvino havasati vaenda kunoona mhuri dziri kugara muzvimbudzi.

Vanhu vanosvika zviuru gumi nezvishanu muChinhoyi vakamirira kupihwa nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG