Accessibility links

Breaking News

Allan Chimbetu Okomekedzwa neDare Kubvisa Mari yeMendenenzi


Allan Chimbetu
Allan Chimbetu
Muimbi ane mukurumbira munyika, Allan Chimbetu, amiswa neChina pamberi pematare edzimhosva kwaMutare achipomerwa mhosva yekutadza kubhadhara mari yemendenenzi yemwana wake waakaita nemumwe mudzimai wekwaMutare kwenguva ingangosvika gore kubva muna zvita wegore rapera.

Vachipa mutongo wavo kuna Chimbetu, mutongi wedare, Va Gwatidzo, vasendeka mwedzi mitatu kwemakore mashanu vakayambira muimbi uyu kuti asapare mhosva yakafanana neyaabatwa nayo panguva iyi. VaGwatidzo vatiwo mutongo uyu vaurerutsa sezvo Chimbetu asina kupedza nguva yedare achiramba mhosva uye kuti anga abvisa mari yemendenenzi iyi yanga yasvika madhora mazana matanhatu nemapfumbamwe.

Muchuchisi wehurumende, VaWalter Saunyama, vati Chimbetu anofanirwa kubvisa madhora makumi manomwe mwedzi wega-wega kuna Amai vemwana wake, Muzvare Tsitsi Rambanapasi, asi ange asiri kuita izvi kubva gore rapera muna Zvita kusvikira azosungwa.

Chimbetu, uyo ange akapfeka mudhebhe weruvara rwemashizha, shangu nhema uye bhatye nehembe nhema, anga achitaurira pasi achiti ange asiri kunzwa zvakanaka.

Audza dare kuti kukundikana kwake kubhadhara mari kuri kukonzerwa nekuti ari kurwara nekudaro haasi kukwanisa kushanda sezvaaita kare. Asi dare raramba izvi rikati anosungirwa kuchengeta mwana wake zvisinei neurwere.

Chimbetu asetsa dare iro range rizere nevanhu apo apa chikumbiro chekuti anoda kubvumirwa kuti mwana waari kubvisira mendenenzi, aongororwe navana chiremba kuti paonekwe kana mwana uyu ari wake zvechokwadi.

Chimbetu atiwo izvi zviri kutsigirwawo nemudzimai wake uyo anoti anogona kubvisa mari yemendenenzi kana ongororo iyi yabva kwachiremba ikaburitsa humbowo hwekuti mwana uyu ndewake.

Dare rati izvi zvange zvisinei naro uye zviri kwaari Chimbetu kuita zvaanoda kana achida kuti chokwadi chiburitswe.

Muzvare Rambanapasi vapawo chikumbiro kudare chekuti vatori venhau vasabvumidzwa kunyora nezvenyaya yake naChimbetu sezvo zviri kukanganisa muchato wake mutsva nemumwe murume.

Asi Chikumbiro ichi charaswa nemutongi uyo ati zvaive kuvaviri ava Chimbetu naiye kuti vabvumirane nekubvisa mari panguva yakatarwa nedare vorega kuendesana kumatare.

VaGwatidzo vati vatori venhau vari kuitawo basa ravo saka hapana anofanirwa kuvamisa mukuita izvi.

Aka hakazi kekutanga Chimbetu achimiswa pamberi pematare edzimhosva nenyaya yekusabvisa mari yemendenenzi.

Mazuva mashoma apfuura, Chimbetu akamiswa zvakare mudare kukadoma mushure mekunge atadza kubvisa mendenenzi kuna Mildred Mapuranga. Vaviri ava vane mwana ane makore gumi nerimwe.
XS
SM
MD
LG