Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Vonyimwa Mbeu kuMudzi


Maize seed
Maize seed
Mumwe mugari wekuMudzi North mudunhu reMashonaland East, Amai Mapuweyi Nyamambara, vanoti varohwa neMuvhuro nemumwe murume anotsigira Zanu PF mushure mekunge vabvunza kuti seyi vanyimwa mbeu yanga ichipihwa vanhu pachena.

Amai ava vanoti vasvitsa nyaya yekurohwa kwavo kumapurisa, uye vakamirira kuona matanho achatorwa nemapurisa.

Zvinonzi vatsigiri vebato re MDC vemunharaunda iyi vari kunyimwa mbeu yechibage iri kupihwa nehurumende pachena kuvagari vemunzvimbo iyi, sezviri kuitika mumatunhu akasiyan siyana munyika yose.

Amai Munyamambara vanoti ivo nedzimwe nhengo dzebato ravo vaudzwa pachena nevanga vachipa mbeu kuti havafe vakaiwana sezvo vachitsigira MDC-T.

Studio 7 yayedza kuridza nhare kumapurisa emunharaunda iyi kuti tinzwe divi ravo, asi nhare dzavo dzange dzisingadavirwe.

Zvaitika kuna Amai Munyamambara zviri kuitika kumatunhu akasiyana siyana munyika yose, umo Zanu PF inonzi iri kuisa nyaya yembeu mune zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG