Accessibility links

Breaking News

Justice Chigumba Vanodomwa Kuva Sachigaro Mutsva weZEC


zec

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma mutongi wedare redzimhosva repamusoro, Justice Priscilla Chigumba, kuve sachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Munyori mudare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, vazivisa Justice Chigumba mutsamba yavanyora neChitatu kuti vachagadzwa zviri pamutemo sasachigaro weZEC neChina mangwanani kuState House.

Studio7 ndiyo yakatanga kuburitsa nyaya yekudomwa kwanga kwakatarisirwa Justice Chigumba munyaya yatakaburitsa musi wa 26 Ndira.

Justice Chigumba vari kutora basa rakasiiwa naAmai Rita Makarau, avo vakasiya chigaro ichi muna Zvita gore rapera paine mashoko ekuti vakasiiswa basa iri sezvo vanga vakarerekera kuchikwa cheGeneration 40 icho chainetsana nechikwata cheTeam Lacoste mukurwira simba muZanu PF.

Team Lacoste inotsigira VaMnangagwa, ukuwo G40 ichinzi yaitsigira mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Justice Chigumba vakatora mhiko yekuva mutongi wedare repamusoro muna 2012.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG