Accessibility links

Machechi Anonyorerana Chibvumirano Chekuti Ashande Pamwe


Kereke Zhinji Dzakaparadzana neRoman Catholic Church Mazana Mashanu Emakore Apfuura.

VeRoman Catholic Church pamwe nedzisvondo dziri musangano reZimbabwe Council of Churches neMuvhuro manheru vakanyorerana chibvumirano chekunamata nekushanda pamwe chete mushure mekunge dzisvondo idzi dzapatsanuka kubva muCatholic Church makore mazana mashanu apfuura.

Izvi zvakaitika pamunamato wakaitwa paAnglican Cathedral muHarare apo veCatholic Church vainge vakamirirwa nemabhishopi esvondo iyi eZimbabwe Catholic Bishops Conference.

Munyori mukuru weZimbabwe Catholic Bishops Conference, Baba Frederick Chiromba, vanoti vakaona zvakakodzera kubatana nekushanda pamwe kunyange hazvo vanhu vaine maonero akasiyana.

Baba Chiromba vanotiwo kubatana kwevedzisvondo kunofanira kupa chidzidzo kune veruzhinji pamwe nevezvamatongerwo enyika kuti zvinhu zvinofamba chete kana vanhu vakabatana.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vanoti kunyange hazvo makereke akapatsanuka kubva muCatholic Church muna 1517, zvakaonekwa kuti makereke aya anofanira kushanda pamwe.

Vamiriri vedzisvondo dziri muEvangelical Fellowship of Zimbabwe nevamiriri vedzimwe nyika vakapinda mumunamato wanezuro menheru.

Vachitaura pachiitiko ichi, meya veguta reHarare, VaBen Manyenyeni, vakati Zimbabwe inyika ine vanhu vakatarisana nenhamo, vari kuchema, vanoda runyararo uye vezvematongerwo enyika vanofanira kudzidza kubva mukubatana kwaitwa nevedzisvondo.

Mumiriri wenyika dziri musangano reEuropean Union, VaPhillipe Van Damme, vakatiwo vedzisvondo varatidza gwara rakanaka uye vanovimba kuti vatungamiriri veZimbabwe vachatevedzerawo gwara resvondo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG