Accessibility links

Breaking News

Mapato Opumhana Huroyi kuWash West


BVR
BVR
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzebato reZanu PF muChinhoyi dziri kuudza vanhu kuti michina yechizvinozvino iri kushandiswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kunyoresa kuvhota ichaona kuti munhu anenge avhotera papi musarudzo dzegore rinouya, dzinoti mashoko aya ndeyemanyepo.

Apo ZEC iri kunyoresa vanhu kuti vazovhota musarudzo dzegore rinouya, dzimwe nhengo dzemapato dziri mubishi rekukwezva vanhu kuti vanyorese kuti vagozovhotera mapato avo.

Bato reZanu PF rinonzi riri kutora mukana uyu kutyisidzira nhengo dzaro nevamwe vanhu kuti michina yechizvinozvino iri kushandiswa ichaziva kuti munhu anenge avhotera papi gore rinouya.

Mukuru wevechidiki mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaGivemore Makoche, vanoti vari kuziva zviri kuitwa neZanu PF, nekudaro vachashanda kubvisa pfungwa dzakadaro muvanhu zvikuru vechikuru.

Mutungamiri wevechidiki mubato reZanu PF muwadhi yemuChinhoyi, Muzvare Memory Makani, vanobvuma kuti vari kudzidzisa nhengo dzavo kuti vazive nezvekunyoresa kuvhota.

Asi vakati manyepo ekuti vari kudzidzisa vanhu nezvekuti michina iri kushandiswa neZEC inozoziva kuti vanhu vanenge vavhotera papi.

Muzvare Makani akati vari kutokokera vanhu vakawanda kusanganisira nhengo dzeMDC kuti vave nhengo dzebato ravo.

Imwe nhengo yebato reMDC-T yeNational Council, VaMukudzei Chigumbura, vakati vari kuudza vechidiki vose kuti vanyorese, uye vari kukurudzira nhengo dzavo kutakura vanhu nedzimotokari kuti vanonyoresa nekuti nzvimbo yekunyoresa muChinhoyi iri kure nekunogara veruzhinji.

Mune imwewo nyaya, munyori wekanzuru yeChinhoyi, VaMaxwell Kaitano, vanokurudzira vagari vemuChinhoyi kuti vabhadhare mari dzemvura nedzimwewo sezvo pasina kuregererwa kwezvikwereti gore rinouya.

VaKaitano vakatiwo vakatambira tsamba kubva kuhurumende ichivazivisa kuti vaudze vagari kuti hurumende haisi kuzobvisa zvikwereti zvine vagari sezvakamboitika gore ra2013 apo nyika yakaenda kusarudzo.

Makanzuru ose munyika akamanikidzwa kubvisa zvikwereti zvainge zviine vanhu kumakanzuru.

Asi danho rekubvisa zvikwereti iri rakaita kuti makanzura ashaye mari yekugadzira migwagwa, kuwanisa mvura yakachena, kutakurwa kwemarara pamwe nemari dzemihoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG