Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vafa Mutsaona yeNyamakate Vosvika Makumi Mana neVashanu


MItumbi inosvika makumi maviri nemipfumbamwe yevanhu vakafa patsaona yakaitika kuNyamakate neChitatu yazivikanwa nehama dzavo apo huwandu hwevakafa huri kuramba huchikwira.

Huwandu hwevanhu vakafa mutsaona yebhazi reKing Lion iro rakabheuka kuNyamakate apo raibva kuHarare richienda kuLusaka, Zambia hwakwira kusvika pamakumi mana nevashanu.

Hama dzevafi dziri kutarisa vafi paimba inochengeterwa vafi pachipatara cheChinhoyi, kuti dzione hama dzavo chaidzo sezvo vakawanda vakakuvara zvakaipisisa kumeso.

Vakafanobata chigaro chemukuru wechipatara cheChinhoyi, Matron Mavis Dube, vanoti pari zvino mitumbi inosvika makumi maviri nemipfumbamwe vazivikanwa nehama dzavo.

Amai Dube vanoti mitumbi yazivikanwa yatotanga kutorwa nerubatsiro rwehurumende.

Nekune rumwe rutivi dzimwe hama dzevafi dzinoti dziri kushaya mari yavaiziva kuti vafi vainge vanayo sezvo vaienda kunohodha.

Muzvari Melody Chivaridze vanoti hama yavo yainge ine mari inosvika madhora zviuru zviviri, asi mari iyi yashaikwa.

Asi Supt. Mupande vakataurira vanhu vaibvunza midziyo yehama dzavo nezuro kuti zvinhu zvose zvine mapurisa.

Zvichakadaro, vanhu vataura neStudio 7 nezvetsaona iyi vanoti mabhazi eKing Lion anofanirwa kumbomiswa kufamba kusvika awongororwa ose kuti anokodzera kutakura vanhu here.

Mumwe wevanhu ava, VaTichafa Gore, vanoti mabhazi eKing Lion anoita tsaona huru pagore rega rega nekudaro anofanirwa kubviswa mumigwagwa.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mufambi, VaNicholas Pasipamire, avo vanoti mabhazi eKing Lion anofanirwa kumbomiswa kufamba sezvakaitwa mabhazi ekwaMhunga nekuda kwetsaona dzakawanda mumigwagwa.

Tsaona dzemabhazi nguva dzemanheru dziri kuwandisa munyika. Mwedzi mishoma yapera rimwe bhazi reProLiner rakabheuka richibva kuSouth Africa pedyo neguta reChivu rikauraya vanhu makumi maviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG