Accessibility links

Breaking News

Mari Yotemesa Hurumende neVashandi Vayo Musoro


Hurumende yeZimbabwe iri kutanga neChishanu svondo rinouya kuita hurukuro dzebhajeti yegore rinouya kuVictoria Falls.

Asi zvinonzi nyaya yekunetsana kwayo nevashandi vehurumende iri kuramba ichitemesa hurumende musoro.

Mari yevashandi vehurumende iri kutora mari inosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari yehurumende pamwedzi wega wega.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakavimbisa vashandi vehurumende munguva yesarudzo kuti vachavawedzera mari.

Mushandi wehurumende ari kutambira mari inotangira pamazana maviri nemakumi mapfumbamwe emadhora pamwedzi zvichikwira.

Asi vashandi vanoti vanoda kuti vatambire mari inotangira pamazana mashanu emadhora zvichikwira.

Ukuwo hofisi yegurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, inoti hurumende haina mari mubhajeti yegore rino kana inotevera sezvo mari isipo.

Sangano rinobatanidza masangano evashandi vehurumende, reApex Council, rinoti raumba chikwata chevanhu gumi nevaviri chichavamiririra panyaya dzemihoro.

Vachitaura neNewsday, gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vanoti mari ichazowedzerwa gore rinouya, asi chava changoita kupa vashandi tumari tushoma vachienderera mberi nehurukuro.


Sachigaro weApex council, VaDavid Dzatsunga, vanoti vagadzirira kuita hurukuro dzemihoro nehurumende kunyangwe vasina chivimbo chekuti pane chichabuda gore rino.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG